Murwere Banda achiri kuda rubatsiro kuIndia

06 Dec, 2023 - 21:12 0 Views
Murwere Banda achiri kuda rubatsiro kuIndia VaAleck Banda vari muchipatara kuIndia mushure mekuvhiiwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuZengeza 2, kuChitungwiza – VaAleck Banda (52) – avo vane dambudziko rechinyama chakamera chichikura muhuropi hwavo (brain tumour), uye vakabuda mupepanhau reKwayedza nguva yadarika vachitsvaga rubatsiro rwemari inokwana US$23 000 yekuti vanovhiiwa kuIndia, vakawana rubatsiro uye pari zvino vari kubatsirwa kunyika iyi.

Mhuri yavo inotenda nerutsigiro rweveruzhinji sezvo vakabudirira kunovhiiya kuIndia, asi dambudziko ravopo nderechikwereti chemari inosvika US$13 000 sezvo murwere uyu achiri muchipatara muIntensive Care Unit kunyika iyi.

Mudzimai wavo, Mai Tarisai Masundire, vanoti VaBanda vakamborapwa kuParirenyatwa Group of Hospitals asi machiremba akazokundikana kuvavhiya mushure mekunge utano hwavo hwaramba huchidzikira.

“Murume wangu akatanga kurwara nebrain tumour mumwedzi waChikumi gore rino izvo zvava kuita kuti agare achitemwa nemusoro uye kuvhiringika pane zvese zvavanoita. Mumusoro mavo mainge muchiramba muchiungana mvura nokudaro kuchipatara vakaiswa machubhu aidhonza mvura mumusoro asi imwe chubhu yechitatu haina kuzoiswa sezvo Bp yavo yakanga yava kuramba ichikwira.

“Saka tinotenda rutsigiro rweveruzhinji nekuti taingoona mari ichipinda muakaundi yakaita kuti tikwanise kuenda kuIndia kunovarapisa. Vakavhiiwa zvakanaka asi dambudziko rasara nderekuti havasati vapora saka vachiri muIntensive Care Unit umo zvikwereti zvekurapwa segadziriro yekuti vazokwanisa kubuda kana vava kuita nani zviri kuramba zvichikura muchipatara imomo,” vanodaro.

Mukoma waVaBanda, VaGodfrey Maganira, vanoti mari yasara iri kudiwa kuchipatara inosvika kuUS$13 000 sezvo vakatoendesa imwe US$7 000 yakabva kuvatsigiri.

“Ndinotenda nerutsigiro rwenyu imi vatori venhau nekuramba muchinyora nyaya iyi, ndinovimba munin’ina wangu achabatsirika utano hwake hugodzokera pekare kuti azokwanisa kuzviitira zvinhu zvaanoda muupenyu. Oparesheni yakaitwa zvakanaka kuIndia asi iye haasati ava kugona kutaura kana kuita chipi zvacho, ndiko kusaka ari muIntensive Care Unit ikoko.

“Saka panguva yaari kupedziswa kurapwa kuti azobuda adzoke kumusha, mabhiri echipatara ari kuramba achikura. Ndiko kusaka tiri kudzoka zvekare kune veruzhinji tichikumbira rubatsiro. Mari inodiwa inosvika US$20 000 saka takaendesa imwe US$7 000 kureva kuti kwasara US$13 000,” vanodaro.

Vangada kubatsira VaBanda vanofonera mudzimai wavo panhare dzinoti: +263 783 268 108 kana kuti mukoma wavo Geoffrey Maganira panhare dzinoti: +263 773147992 kana kuenda padandemutande rinoti: <https://gofund.me/3a6482cc>

Share This:

Sponsored Links