Chimwe chikomba tasa vachirwira musikana

05 Apr, 2024 - 15:04 0 Views
Chimwe chikomba tasa vachirwira musikana Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Hazel Chitepo

MURUME wekuChipinge akasungwa mushure mekubaya mumwe nebanga katatu vachirwira musikana.

Darlington Magaisa wemumusha weGudo anonzi akabaya Simon Machumi (26) wekwaSabhuku Mahachi nebanga katatu kumusana.

Anonzi aimupomera mhosva yekupfimba musikana wake.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika pamusha waChifagume, kuChipinge, musi wa24 Kurume.

Vanoti Machumi akasvika pamba paChifagume achitengesa nyama yenguruve ndokuwana Magaisa akagara nemusikana wake.

Akayambira Magaisa kuti asiyane nemusikana uyu.

Kusanzwisisana kwakamuka pakati pevaviri ava izvo zvakakonzera kurwisana.

“Pavakarwa, Magaisa akavhomora banga muhomwe ndokubaya Machumi kuruboshwe rwemusana katatu. Machumi akaedza kutiza asi Magaisa akamutevera. Magaisa akabata Machumi ndokumubaya zvekare pachipfuva kudivi rekuruboshwe.

“Machumi akakuvadzwa zvakaipisisa akanopotera pamusha waChifagume. Machumi akaedza kudzivisa Magaisa kuti asaramba achimukuvadza asi zvakashaya basa. Machumi akazoendeswa kuchipatara cheSt Peter’s Mission Hospital uko akafa achangosvika.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuChisumbanje, uye kuferefetwa kwayo kuri kuenderera mberi,” vanodaro.

Assistant Inspector Chinyoka vanoti mapurisa epaChisumbanje akaongorora mutumbi waMachumi vachibva vaona ronda rakadzika kumusana.

Mutumbi waMachumi wakazoendeswa kumochari yeSt Peter’s Mission Hospital kunoongororwa.

Share This:

Sponsored Links