Baba vauraya mwana vachifunga kuti igudo

08 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Baba vauraya mwana vachifunga kuti igudo Gudo

Kwayedza

Lovemore Kadzura naLiberty Dube

HARAHWA ine makore 81 ekuberekwa inova murimi kwaRusape inonzi yakapfura nepfuti mwanakomana wayo ane makore 46 okuzvarwa akabva afa ichifunga kuti igudo.

Mushakabvu uyu, Innocent Nyakurerwa, anonzi aidzingirira makudo akanga apinda mumunda wavo wechibage pakaitika tsaona iyi.

Panguva iyoyo, Innocent anonzi haana kuziva kuti baba vake, Isaac Nyakurerwa wepaPlot 20A, kuFairfield Farm, kuHeadlands vaidzingawo makudo aya vachishandisa pfuti yemhando yeWinchester ndokuiridza kamwechete ikapfura chirebvu chake zvikaita kuti abva angofirapo.

Isaac akabva asungwa uye ari kupomerwa mhosva yekuuraya munhu asi asina chinangwa chekuita izvi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuenderera mberi nekuferefetwa.

Vanoti Isaac anonzi akaona mumvuri wemwana wake achibva afunga kuti igudo.

Anonzi akatozoona kuti aive amupfura apo akaridza mhere.

“Nomusi wa26 Kurume 2024, paPlot 20A Fairfield 20 Farm kuHeadlands, munhu ari kupomerwa mhosva aidzingirira makudo ayo aiuya kumunda wake wechibage.

“Akaridza pfuti yake yemhando yeWinchester 22 kugomo kwaive nemakudo aya achibva apfura mwana wake wekubereka, Innocent Nyakurerwa, ane makore 46 okuberekwa pachirebvu. Innocent akabva angofira ipapo. Pfuti nebara rakashandiswa zvakawanikwa panzvimbo iyi,” rinodaro gwaro riri kumapurisa.

Mune imwewo nyaya, murume wekuHonde Valley akawanikwa akafa uye mutumbi wake watova padanho repamusoro rekuwora inova nyaya inofungirwa kuva iine chekuita nehumhondi.

Share This:

Sponsored Links