Corona haisati yaneta – WHO

18 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Corona haisati yaneta – WHO Dr Tedros

Kwayedza

Tandayi Motsi
SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti kunyangwe zvazvo veruzhinji vachiratidza kuti vaneta nekunzwa mashoko ari pamusoro pechirwere cheCovid-19, zvakakosha kutevedzera matanho ekuchidzivirira sezvo vakawanda vari kufa zuva nezuva uye kusvika pari zvino vanhu vanodarika 2 miriyoni vashaya nedenda iri.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weMuvhuro vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland – Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus, avo vanova mukuru weWHO – vanoti vane tarisiro yekuti kuuya kwemushonga wekudzivirira denda iri (vaccines) kuchabatsira zvakanyanya kuchengetedza upenyu hwevanhu.

“Asi zvakakosha kuti titevedzera nzira dzose dzekuchengetedza utano panguva ino kudarika zvatisati tamboita. Iva chinhambwe chakakura kubva pane vamwe vanhu. Mumba mauri munofanirwa kupinda mhepo inofefetera zvakanaka. Pfeka masiki.
“Mawoko ako ngaagare akachena. Usakosorera vamwe asi kuti kosorera pagokora rako,” vanodaro Dr Tedros.
Vanoenderera mberi vachiti, “Veruzhinji vagona kunge vaneta nekunzwa nezvenyaya yecoronavirus (hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19) asi hutachiona uhu hausati hwaneta nesu. Kudzivirira kupararira kwecoronavirus kudzivirirawo kunyuka kwedzimwe mhando itsva dzedenda iri.”

Dr Tedros vanoti veruzhinji havafanirwe kuvarairwa panyaya yekurwisa kupararira kweCovid-19 sezvo denda iri riri kuuraya vanhu vakawanda zuva nezuva.

“Gore rapera, munhu wekutanga paakafa neCovid-19 takapa yambiro pasi rose maringe nekurwisa kupararira kwechirwere ichi. Iye zvino kwapera gore, vanhu vanodarika 2 miriyoni vafa neCovid-19 kunyangwe zvazvo tiine tariro yekuchengetedzeka kweupenyu kuburikidza nekushandiswa kwemishonga yekudzivirira chirwere ichi, tinoda kuti izvi zvichimbidzwe kuitwa uye kuti mishonga iyi igoveranwe zvakaenzerana,” vanodaro Dr Tedros.

Svondo rinotevera, vanodaro, WHO Executive Board richange richikurudzira nyika kuti dzizadzikise zvadzakavimbisa maringe nekubatsira mukuwaniswa kwemushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 pasi pechirongwa cheCOVAX.
“Tinofara kuti chikwata chavanamazvikokota vezvesainzi vepasi rose – shangwiti kubva kumapoka akazvimirira gumi uye nenyika – vari kutanga rwendo rwekuenda kuChina kunoita ongororo vachibatsirana nenyazvi dzekunyika iyi kuti vaone matangiro akaita chirwere ichi,” vanodaro Dr Tedros.

Vanotenda nyika dzose dziri pasi peboka reGOARN nekutsigira chirongwa ichi.

Nyika dziri pasi peGOARN dzinosanganisira Australia, Denmark, Germany, Kenya, Japan, Netherlands, Qatar, Russia, Sudan, United Kingdom, United States of America, Vietnam neChina.

“Ongororo ichatanga kunzvimbo yeWuhan (kuChina) nechinangwa chekuda kuziva matangiro akaita chirwere ichi. Ongororo iyi inobatsira zvikuru mune remangwana, yakakosha kwete panyaya yeCovid-19 chete asi mukusimbaradzawo nyaya dzeutano pasi rose uye nekubatsira mukutsvagwa kwemazano ekudzivirira njodzi yakadai mukufamba kwenguva,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoenderera mberi: “Tichazivisa veruzhinji zvakawanda pamusoro peongororo iyi kana zvichinge zvabuda asi pari zvino ngatimbopei nguva chikwata chenyanzvi ichi kuti vashande vakasununguka vachibatsirana nevamwe vavo vekuChina uye tinovashuvira rombo rakanaka mubasa ravo.”

Share This:

Sponsored Links