Mukuwasha odashurwa nechamboko nanatsano

20 Apr, 2024 - 09:04 0 Views
Mukuwasha odashurwa nechamboko nanatsano Chamboko

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti aoneswa nhamo nekuzvambaradzwa kurohwa nechamboko neaimbove mudzimai wake achibatsirana nehanzvadzi dzake apo vanouya kumba kwake vachida mari yekuriritira mwana.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Onias Njoma amhan’arira Emilly Choranga achida gwaro redziviriro.

“Mai ava vaimbove mudzimai wangu asi takatadza kuwirirana nenhau yekurwa, dai aenda hake kudare remendenenzi nekuti kabvunziro kacho kemari yekuchengeta mwana kane hondo mukati,” anodaro Njoma.

“Mumwe musi akauya kumba kwangu nehanzvadzi dzake ndokutanga kundirova nechamboko. Ndakazomanya ndikanohwanda kubasa kuMbudzi Round About asi vakanditevera zvekare ndokutanga kunditema nematombo ndikazobatsirwa nevandinoshanda navo.”

Njoma anoenderera mberi achiti: “Ndinokumbira kuti asasvike pabasa pangu kana kumba kwandinogara nekuti ndava kutyira upenyu hwangu. Mwana ndichachengeta ndichimubvisira mendenenzi, zvitori nani pane kusangana naye ndichimupa mari nekuti hazviperi mushe.”

Achipawo divi rake, Choranga anoti haana zuva raakamborwisa Njoma asi kuti ndiye aitomurova ndokusaka vasisiri vese.

“Ndakatoshamisika apo ndakapihwa magwaro ekuti ndiuye kudare,” anodaro Choranga.

Mutongi Johanna Mukwesha vapa Njoma gwaro redziviriro

Share This:

Sponsored Links