Denda roita serodzoka

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Denda roita serodzoka Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Tandayi Motsi

HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa munyika muno uye nevari kufa hunoratidza kuti huri kukwira zvishoma kubvira nemusi weSvondo kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika.

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 39 vakawanikwa vaine chirwere ichi uye vashanu vakafa zuva iri.

Nerimwe divi, 23 vakabatwa vaine denda iri nemusi weChipiri apo mumwe chete akafa kana zvichienzaniswa neMuvhuro apo pakawanikwa vanhu 19 vaine Covid-19, vana ndokufa.

Nemusi weSvondo, vanhu 15 vakawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa uye hapana akafa nechirwere ichi zuva iri.

Mamiriro ezvinhu aya asiyana nenguva yadarika apo huwandu hwevanhu vaibatwa nechirwere ichi pamwe nevaifa hwange hwakaderera.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzinogara veruzhinji dzinosanganisira Harare, Chitungwiza neDomboshava inoratidza kuti vanhu vakawanda havasisina hanya nekutevedzera matanho akatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) uye neenyika ino mukudzivirira Covid-19.

Vakawanda vari kuonekwa vasina kupfeka mamasiki apo vanenge vari panzvimbo dzinosangana vanhu uye vamwe vachiita chitsokotsoko izvo zvinopesana nekurudziro yenyanzvi dzezveutano.

Kune vamwe vemabhizimisi emabhawa nemanight club vari kuonekwa vakavhura zvechitsotsi zvisinei nekuti pasi pemitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 havasati vave kutenderwa kuvhura.

Hurumende iri kuramba ichikurudzira veruzhinji kuti vangwarire panyaya yekuzvichengetedza kubva kuchirwere cheCovid-19, zvikuru panguva yezororo rekupemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere iro raswedera.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Covid-19 ichirimo muZimbabwe, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasavarairwe uye vazvichengetedze.

“Cabinet iri kuyambira veruzhinji kuti varambe vakachenjerera panyaya yekudzivirira chirwere ichi kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa. Izvi zvinosanganisira panguva yemhemberero dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere dze41st Independence Day Anniversary, apo kuungana kwevanhu vanodarika 50 kusiri kutenderwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zvichakadai, Hurumende iri kufambira mberi nekubaya vanhu jekiseni renhomba rinodzivirira dzihwamupengo Covid-19 nyika yose.

Magwaro ebazi rezveutano aya anoratidza zvekare kuti veruzhinji vari kutambira kubaiwa kwemajekiseni aya sezvo iri imwe yenzira dzekumisa matambudziko anouya neCovid-19.

Chirwere cheCovid-19 hachisati chawanirwa mushonga unochirapa pasi rose uye kubaiwa majekiseni ekuchidzivirira hazvireve kuti vanhu havachapfeka mamasiki kana kutevedzera zvimwe zvagara zvichiitwa pakuzvichengetedza kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links