Uncategorized

‘NDINOMUTSA AFENDA NEWETI’

01 Jul, 2021 - 12:07 0 Views
‘NDINOMUTSA AFENDA NEWETI’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weMbare, muguta reHarare — uyo anozviti akatemerwa mushonga wemangoromera — anoti anopa mishonga yekurwa kune vanoida uye munhu wose waanorova anofenda zvekuti kuti amuke, ndokunge amuitira weti munzeve nemukanwa kuti afefemuke.

Sekuru Zuvarigere Zebadiah Ncumalo Banda (50) vekuBlock 1, kuMbare Flats, vanoti hakuna akambovakurira mukurwa mukurarama kwavo nekuda kwemangoromera.

Murume uyu anobva kuZomba, kuMalawi uye anoti kuti azowana mushonga wemangoromera, akaita zuva rose “achikwatiswa” mudhiramu remvura yaifashaira asi haana kutsva.

“Mangoromera anosiyana nemunhu anenge achikupa wacho, ini ndakatorwa ndikaendwa neni kumakuva husiku uko ndakanonzi ndibvise mbatya dzose ndokusara ndiri musvo ndichibva ndatemerwa nyora mumaoko, mumakumbo, kumusana, kugotsi nepahuma. Mishonga yacho yaikwizwa uchirohwa nembama nezvibhakera inosanganisa muchewa, gomarara, mupwepwe yasanganiswa nemafuta eshumba nemuchetura werovambira,” vanodaro sekuru Zuvarigere.

Vanoti vakatemerwa nyora dzemushonga wemangoromera vari kumakuva ikoko vakanzi varare paguva remunhu wavasingazive.

“Ipapo ndisina kupfeka, ndatemerwa ndakanzi ndirwe nevanhu vaiuya kubva mumakuva ndikaona zvirume zvipfupi zvitatu zvakauya ini ndikangotanga kurwisana nazvo. Ndakazvirova zvibhakera zvichipunzikira pasi pasina kuchema kana kutaura, ndakanzi ndizopedzisa nechidiki chacho kusvikira ndachikurira.

“Ndakazonzi ndirwe nemishonga yaiva yakasungirirwa mazai ehanga ndikaapunza kureva kuti ndakahwinha,” vanodaro Sekuru Zuvarigere.

Vanoti mumwe mushonga wavakapihwa ndewe kurumwa nenyuchi zvinoreva kuti zvibhakera zvavo zvakangofanana nekuruma kunoita nyuchi nemazvimbiswa adzinokonzera.

“Kwakazounzwa zvakare nyoka iyo ndakarwisana nayo ndikaikurira, ndakazotaurirwa kuti zvimadhara zvandakarwisana nazvo zvaiva zvidhoma nemishonga senzira yekusimbiswa. Izvozvi handirove munhu zvibhakera zvinodarika zviviri anobva atofenda ipapo.

“Kuti munhu wandarova umuke, ndinotomuitira weti mukanwa nemunzeve,” vanodaro.
Murume uyu anoti akatora mushonga wekurwa uyu mugore ra1982 uye kusvika nanhasi, hakuna munhu akambokwanisa kumukurira pazvibhakera.

“Mhiko dzemushonga wemangoromera zhinji hadzibvumidze kuti munhu adye hove yemuramba, derere, kusangana nemudzimai ari panguva yake, kusangana nemukadzi uchienda kunorwa. Haufanirwe kusiirwa sadza asi kuti rinobikwa wasvika uye haudye hanga.

“Pandakapedza kugadzirwa mangoromera, ndakaenda kumusoro kweguva ndikanzwa kurira kwengoma dzejiti asi handina kuona vaidziridza. Ndakaudzwa nen’anga kuti zvafamba.”

Sekuru Zuvarigere vanoti munhu ane mangoromera akangodya nyama yehanga anotetereka musango zvekusamuona zvakare.

Murume uyu anoti akarwa nevanhu vakawanda kunyika yeMozambique neMalawi uko aingokunda, ndokuzouya muZimbabwe umo anoti hakuna akambomukurira pazvimbokoma.

“Ndakabandana nemumwe murume kuChibuwe aiva nemuchochororo wakaita sewejongwe uyo airwa achikukuridza, ndikazomurova muchochororo ukadonha pamwe chete nezino. Ndipo pakabva papera mangoromera ake.
“Ndakazorwazve nemumwe mukadzi wekuChipinge zvibhakera zvikatora nguva zvekutsvukisana asi ndakazomurova akawira pasi, mbatya dzaaiva akapfeka ndokutanga kubvira dzoga kuita dota asi muviri wake usina kutsva,” vanodaro Sekuru Zuvarigere.

Vanoti ndipo pakaperera mangoromera emudzimai uyu zvekuti haana kuzorwa zvakare.
Mamwe mangoromera vanoti anoita kuti munhu azvimbe maoko nekumeso kana ava kuda kurwa.
“Nyaya hombe yandinoda kuti vanhu vazive ndeyekuti ndini ndakapa mangoromera vamwe vanhu vakaita mbiri munyika muno saAlfonso ‘Mosquito’ Zvenyika, Proud Chinembiri Kilimanjalo, mumwe ainzi Dhuli uyo akanetsa muno muHarare nekurova vanhu. Chandinoda kuti vanhu vazive kuti munhu ane mangoromera pakurwa haafanirwe kupunzika, akangodonha chete mushonga wake wafumuka.”

Sekuru Zuvarigere vanoti pamangoromera zvakare munhu anopihwa mushonga wekunzvenga uyo unosanganiswa neropa kana nemusoro wekanyenganyenga.

“Ukatemerwa mushonga wakasanganiswa nedota rekanyenganyenga nemashizha achibva mumuti asati awira pasi, hapana anokwanisa kukurova kumeso kubva mudundundu uyewo mimwe mishonga inosanganiswa nemakumbo ehanga nezai racho,” vanodaro.

Vanoti pavana vavo vasere, vakasarudza mwanakomana wemakore 23 anonzi Luckmore uyo wavanoti vakatemera muti wemangoromera.

“Mamwe emangoromera andinopa anosanganiswa netambo dzemagetsi nemushonga wemheni, kureva kuti kurova kwako anenge arimagetsi chaiwo.”

Alfonso “Mosquito” Zvenyika

Zvisinei, Zvenyika akatsengatsenga mukanwa paakabvunzwa nenyaya yekuti akapihwa mushonga wemangoromera naSekuru Zuvarigere.

“Kurwa kwangu kwese kusvika ndatora mukombe weCommonwealth, handina mushonga wandakabata, hamheno kana ndakatemerwa ndisingazive nevabereki vangu sezvo amai vangu vairova vanhu mumabhawa kusanganisa varume. ZvaSekuru Zuvarigere, ehe ndine hurongwa hwekuti vazondibatsirawo nekufamba kwenguva,” anodaro Mosquito.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>