‘Rimwe ropa rava shoma’

19 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
‘Rimwe ropa rava shoma’

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) yakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kweropa remhando yeBlood Group O munyika yose uye pari zvino iri kushanda nerinokwana zuva rimwe chete zvisinei nekuti mhando yeropa iri ndiyo ine vanhu vakawanda muZimbabwe.

Vadzidzi vemuzvikoro ndivo vanopa chikamu chinodarika 70 percent cheropa uye zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa kuvhurwa kwezvikoro senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, ropa riri kupihwa kumizinda yeNBSZ ishoma zvikuru.

Chikamu chinodarika 52 percent chevanhu vose vari muZimbabwe chine ropa remhando yeGroup O.

Avo vane mhando yeropa iri vanokwanisa kupa kune vamwe vari muzvikwata zvinoti Group A neB asi ivo vanokwanisa kupihwa ropa nevamwe vavo vari muGroup O chete.

Paindi imwe chete yeropa inokwanisa kuchengetedza upenyu hwevanhu vatatu uye rinonyanya kudiwa nemadzimai pakusununguka, vanoda kuvhiiwa kana vanenge vaita tsaona.

Pane ipi zvayo nguva, mizinda inochengeta ropa inotarisirwa kuti ive neropa rinoshanda kwemazuva mashanu saka kana NBSZ iine ropa remazuva manomwe remhando yeBlood Group A, kureva kuti rakatowandisa nekudaro rinogona kupera nguva yekushanda sezvo risinganyanyi kudiwa nevanhu vakawanda.

Blood Group B rinokwanisa kupedza mazuva mana kureva kuti richakaringana sezvo zvichifambirana nehuwandu hweropa rinodiwa asi Blood Group O riri kushomeka zvakanyanya.

Chamangwiza weNBSZ, Mai Lucy Marowa, vanoti sangano ravo riri mushishi yekuwedzera huwandu hwevanhu vanopa ropa remhando iyi.

“Tine kushomeka kwakanyanya kweropa remhando yeBlood Group O kwatiri kusangana nako munyika muno. Chikamu che52 percent chevanhu vane Blood Group O kureva kuti patinoritora, ropa iroro rinogona kutova iro pamberi mukuwanda kana tichienzanisa nezvimwe zvikwata zveropa,” vanodaro Mai Marowa.

Vanoti vanhu vane Blood Group A neB, vanowana ropa kuGroup O asi ivo havakwanisi kupa ropa kune vane riri muGroup O.

Kureva kuti vane ropa riri muGroup O vanokwanisa kupa kune vamwe vari muzvikwata zvose.

“Kana ropa remhando yeGroup O rikaramba richishomeka, zvinoreva kuti vanhu ivavo havachakwanisi kuvhiiwa kana kurapwa nenzira inoita kuti vange vachiwaniswa ropa zvinogona kukonzera kurasikirwa neupenyu. Tinokurudzira vapi veropa kuti varambe vachiuya kuti tikwanise kugara tiine ropa rakawanda,” vanodaro.

Mai Marowa vanokurudzira zvekare vanhukadzi kuti vapewo ropa.

Kupa ropa kwakanaka zvikuru sezvo kuchibatsira zvekare mukusimudzira utano hweari kupa neari kupihwa pamwe nekuchengetedza upenyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>