Uncategorized

Votemwa nematombo emumhepo. . . pamwe vanoitirwa weti

17 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Votemwa nematombo emumhepo. . . pamwe vanoitirwa weti VaEdwin Pafungei Zembe

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuSHAMVA

MHURI yatezvara neyemukuwasha vekunzvimbo yeRed Dragon Mining Site kuWard 19, kuShamva yave nemazuva akawanda dzichirara panze zvichitevera kurohwa kwavari kuitwa nembama, kutemwa nematombo, kudirwa mavhu, kuitirwa weti kumeso uye kurasirwa midziyo panze nezvinhu zvavasingaone.

Kunyangwe vemhuri mbiri idzi vakapotera kuvavakidzani, manenji aya anonzi ari kuvatevera ikoko.

Izvi zvave kuita kuti vanhu vemunharaunda iyi vasabvume kuvabatsira nekutya kuputsirwa midziyo kana kubatanidzirwa.

Mhuri dziri kusangana nemanenji aya ndeyaVaPeter John pamwe neyemukuwasha wavo, VaEdwin Pafungei Zembe.

Kwayedza yakashanyira mhuri idzi ndokuwana VaPeter John, munin’ina wavo Enock John nehanzvadzi Feria John vachangosvika kubva kuShamva netsoka anova makiromita 40 kunotsvaga rubatsiro kumaporofita.

VaZembe vanova murume waFeria vanoti dambudziko iri rave nemwedzi miviri ratanga.

Dambudziko iri riri kubata mhuri yavo nevana vana (4) pamwe neyatezvara vavo VaPeter John nemudzimai wavo Primrose Karimatsenga nevana vatatu.

VaPeter John (kurudyi) nehanzvadzi yavo Feria John pamwe nemunin’ina Enoch John

“Zvakatanga kuvana vachipotserwa matombo tisipo tiri kumabasa. Taingoti pamwe pane munhu ari kutamba achipotsera matombo. Takazoona vana vave kumhanya kuuya kubasa kuzonditora,” vanodaro VaZembe.

“Ndakasvikoona matombo achikandwa asi pasina munhu aioneka. Imba pamwe nemarata zvaitemwa uye matombo acho aitooneka.

“Izvi zvakandituma kufamba kumaporofita kunopihwa minamato.”

VaZembe vanoti vachipedza kushandisa munamato wekutanga, pamusha pavo pakauya mhepo yaivhuvhuta zvikuru.

Vanoti vakadzokera kumuporofita uya vakanoudzwa kuti mhepo iyi yaive mucherekedzo wemweya wakaipa uri munzvimbo mavagere.

Vanoti havana zvizhinji zvavakabatsirwa nazvo, ndokuenda kuWadzanai kuShamva kunotsvaga mumwe muporofita.

“Muporofita akauya akamwaya muteuro. Achingobva, masaramusi aye akabva atanga. Ndakaenda pane mumwe muporofita akatanga kubvunza kuti hatina kuponda munhu here kana kuisa mushonga wekuromba mumugodhi wegoridhe,” vanodaro VaZembe.

“Akazoti zvinhu zviri pamusha zvakakura haaikwanisa kutibatsira. Takatora vamwezve maporofita avo vakati vanoda US$40. Ndakakwereta mari iyi ndikavapa, asi vachingobva kugadzira zvavakaita pamusha zvinhu zviye zvakabva zvatanga zvakare.”

Vanoti husiku hwemusi weMugovera wadarika, vanhu vose vakatiza pamusha nekuda kwekurohwa mumusoro, kuswinywa, zvinhu zvichipotserwa panze uye vatezvara vavo vakaitirwa weti mumaziso.

Vana vavo kubva kuvhurwa kwaitwa zvikoro havasati vaenda kuchikoro nekuda kwedambudziko iri.

“Handisi kukwanisa kuenda kubasa nekuda kwedambudziko iri, chekudya chaiko pamusha hapana. Maporofita havasi kutibudira pachena kuti dambudziko iri riri kukonzerwa nei,” vanodaro VaZembe.

“Kutaura kuno mwana akazvimba musoro nekuda kwekurohwa ikoku. Vatezvara musoro wavo wakazvimba nekurohwa mbama zvakare. Dombo racho rinokandwa rinotema zvinorwadza asi harizvimbise. Mbama unotodzinzwa kurira,” vanodaro.

VaZembe, avo vakarerwa kumusha kwaamai uye vasingazive kuna baba vavo, vanoti havana nhoroondo yedzinza ravo yavanoziva.

Vanoti chiitiko ichi hachisati chamboitika mumhuri yavo kana munharaunda.

Enoch anoti muporofita wekutora US$40 haachadaire foni.

Anotiwo apo vaive munzira kubva kuShamva vasvika muchikomo cheKwamukungurutse, akakandirwa zidombo rakamupotsa gumbo.

“Ndatomira ndikatarisa kuti kuda pane munhu akahwandira asi pange pari pachena uye pasina munhu. Ndaudza vamwe vangu kuti fambai makachenjera,” anodaro Enoch.

“Tichisvika pamuporofita watafambira, taudzwa kuti vafanobata munamato nekuti vaona kuchiuya mhepo huru. Tasvikogezeswa mvura yange iri mumbiya uye pakirawa pange pasetwa michinjikwa nehupfu,” anodaro Enoch.

VaPeter John vanoti kufamba kwese kwavaita havasati vawana kuti dambudziko iri riri kukonzerwa nei.

“Muporofita ati pari kudiwa US$35 yekutsvaga munamato. Tozoita mazuva mapfumbamwe tichikwidza makomo kunonamata nekuenda kujorodhani,” vanodaro.

“Tiri kupona nekupihwa chikafu nevanhu. Handisi kuenda kubasa, ndiri kutotya kupinda pasi pemugodhi kuti zvinogona kundivinga ndiripo ndikakuvara.

“Tiri kuda kubatsirwa. Chero zvikanzi horera tsvina yemunhu uuye nayo tikushandisire, handingarambe nekuti tiri kuda kubatsirwa kuti tigarewo zvakanaka.”

Feria anoti haachakwanisa kubikira vana kana kuvapfekedza mbatya dzakachena nekuti mumba mavo hamuchapindike.

Anotiwo ave kushungurudzika mupfungwa nekuda kwemashoko evanhu ekuti vakaromba.

“Dai takabata mushonga wakaipa tingadai takadzokera ikoko kuti mhuri dzedu dzigare zvakanaka. Ndiri kutotambudzika, handina chandinacho, chero gwenzi rekurapa nhova yemwana handirizive,” anodaro Feria.

“Vanhu vari kutiudza mashoko anorema zvekuti ndinotanga kufunga kuti handisi kurara nemasaramusi vanhu votaura zvinoshungudza!

“Musoro wave kutorwadza zvekuti hauchanyarare nyangwe ndikanwa mapiritsi.”

Kanzura Willard Zihowa vemunzvimbo iyi vanokurudzira ruzhinji rweZimbabwe vanoziva chivanhu kana maporofita kuti vabatsire mhuri idzi.

Kanzura Willard Zihowa

“Kana iri mhosva yakaparwa nevakuru, ngozi kana hushereketwa ngazvibude pachena nekuti kupedza ngozi kuiripa,” vanodaro.

“Mhuri mbiri idzi dzinofanira kugara pasi voona kuti voita sei. Dambudziko iri riri kuramba richikura uye tave kutya kuti tichamuka vanhu ava vakafa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>