Uncategorized

Vopenga nevhuka-vhuka ‘Indian Sweets’

23 Apr, 2022 - 00:04 0 Views
Vopenga nevhuka-vhuka ‘Indian Sweets’ Indian sweets

Kwayedza

Ray Bande

VANHUKADZI vakawanda vanonzi vari kutsvaga nzira dzekusimbisa musana kana kuvandudza nyaya dzepabonde kuburikidza nekudya mishonga yevhuka-vhuka inosanganisira masiwitsi anozivikanwa nekunzi “Indian Sweets” ayo ari kutengeswa sechingwa chinopisa mudunhu reManicaland nekumwe muZimbabwe.

Kare, vanhurume ndivo vainyanya kuzivikanwa nekunwa pamwe kudya mishonga yevhuka-vhuka asi pari zvino vanhukadzi vave kuita zvimwe chetezvo.

Zvisinei, vazhinji vevari kutenga masiwitsi aya vanoratidza kuti havana hanya yekuziva kuti zvine njodzi here kana kuti kwete kuutano hwavo sezvo asina kuongororwa nenyanzvi dzezveutano.

Masiwitsi aya haana kunyoreswa zvakare neveMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ), vanova ndivo vega munyika muno vane mvumo yekuongororo mishonga inorapa isati yatanga kushandiswa neveruzhinji.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti bhizimisi rekutengeswa kwe”Indian Sweets” riri kubhadhara zvakanyanya kune vari kuita basa iri.

Masiwitsi aya ari kutengwa nevanhukadzi vakaroorwa pamwe nevasina.

Mumwe mudzimai wekuDangamvura wezera repakati nepakati, uyo tinochengetedza zita rake, anoti ari kudya masiwiti aya uye ari kumubatsira zvakanyanya kuvandudza nyaya dzebonde neshamwarirume yake.

“Ndakashandisa zvihwitsi zvina zvekuIndia uye zvakaita kuti ndikwanise kuita bonde rinofadza.

“Mumwe wangu aisaziva kuti ndakazvidya, asi ini ndaitoona musiyano, kwete kwandiri chete asi naiyewo,” anodaro.

Kwayedza inoita hurukuro nemumwe wevanotengesa masiwitsi aya, VaRay Shumba, kuDangamvura kwaMutare.

VaShumba vanoti vanoda nguva isingasvike svondo kuti vatengese masiwitsi anokwana US$200, apo imwe chete inenge ichiita US$2 kusvika US$5 zvichiendarana nemhando yacho.

Vainge vakatobereka bhegi raive nemamwe masiwitsi avaitengesa.

“Zvihwitsi izvi tinozvitengesa kune vakaroorwa nevasina varume. Vari kuzvida zvakanyanya.

“Handiiti svondo rose kuti nditengese masiwiti anokosha US$200. Makasitoma angu anoti michato yavo yachengetedzwa nekuda kwezvihwitsi izvi,” vanodaro.

Ongororo inoratidza kuti kune mhando dzemasiwiti aya dzakati wandei asi achishanda zvakafanana.

Vatengi vanokurudzirwa kutanga nekudya masiwiti emhando inozivikanwa nekuti Mango Slice ayo ane ruvara rweorenji.

Padanho rechipiri, mutengi anokurudzirwa kuti adye siwiti yePalm fruit iyo inonzi inobatsira mukudziya kwemuviri.

Kubva pachidanho ichocho, vatengi vanogona kusarudza mamwe masiwiti zvichienderana nezvavanoda.

Kune mamwe emasiwiti aya anonzi Chiname ayo anonzi ane mukurumbira wekuti kana munhu akaadya, mudikani wake haadi kuzomusiya.

Koita Tambo yemagetsi, Marinating neBomber ayo ose anonzi anoshanda zvakafanana.

Kunyangwe zvazvo zvisina kukwanisa kuzivikanwa kuti sei masiwiti aya achinzi “Indian Sweets”, ongororo yemutori wenhau uno inoratidza kuti ari kupinzwa muZimbabwe nepamuganhu weChirundu Border Post nenzira dzemukoto kubva kuZambia.

Pastor Davies English vechechi yeShield of Victory Ministries vanoti semaonero avo, hapana chakaipa pakushandiswa kwemasiwiti aya mukusimbisa bonde asi ndokunge asina njodzi kuutano hwevanhu.

“Bhaibheri harina zvarinotaura pamusoro pazvo, asi hapana chakaipa kana masiwiti aya asina zvaanokanganisa kuutano hwevanhu vanoadya. Zvisinei, ichiri nyaya ine makakatanwa,” vanodaro Pastor English.

Vanoti panofanirwa kuve nekujeka mukushandiswa kwemishonga yevhuka-vhuka, kunyanya pakuti sei munhu ari kudya kana kunwa mishonga yakadai.

“Panofanira kuva nekujeka muwanano yega-yega yechiKristu. Mumusha wakanaka mune rudo rwakawanda, munofanira kuva norusununguko rwokukurukura zvinhu izvi,” vanodaro Pastor English.

Chiremba wekwaMutare, Dr Tendai Zuze, vanoti kutora mimwe mishonga kunogona kukanganisa utano hwemunhu.

“Handisati ndaziva kuti zvihwitsi izvi zvinogadzirwa nei chaizvo. Asi, mushure mekudya mimwe mishonga, tinoona vamwe varwere vachisangana nematambudziko pautano hwavo izvo zvinogona kuuya mukati memaminitsi mashoma mushure mekudyiwa kana kunwiwa kwemushonga.

“Panoda kuti vanhu vanzwisise kuti zvihwitsi izvi ndezvipi vasati vazvidya nekuti zvinogona kuva nenjodzi kuutano hwavo,” vanodaro Dr Zuze.

Mugore ra2013, MCAZ yakarambidza kutengeswa kwemishonga inosimbisa musana pamisika yemikoto mushure mekuonekwa kuti mimwe yacho inogona kuve nenjodzi kuutano hwevanhu.

Mukuru anoona nezvekudyidzana kweveruzhinji nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) kwaMutare, Detective Sergeant Shanu Shake, vanoti imhosva kutengesa masiwiti anosimbisa musana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>