A-LEVEL — MASIMBA: Kasikai anoudzwa makobvu nematete

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

“SHUNGU” naMemory Rugehla (115-118)
Enzaniso mberi (Nyaya yacho):

Izvi zvinoita kuti aremekedze amai ava. Ari muchipatara anoshamisika kuona kwatodoka uyewo zvikamushamisa kuti ainge apinda muchipatara umu nguvai. Anoshamiswa achinzwa izwi rake kudanwa, paanoona munhu wacho aimudana kwava kutanga kuchema.

Amai ava muzvinazwi vanoti anochemei uyewo ngaanyarare. Pfungwa dzaKasikai dzinodzoka mumashure apo anofunga zvinomushungurudza.

Chinhu chaanorangarira chinomurwadza ndechekuti anoziva kuti vanhu vaakakura navo havachadi kutaura naye. Dzimwe shungu dzinouya mupfungwa make semurwi wehondo ndezvakaitika kuvabereki vake apo vakapisirwa mumba vatengeswa kuti mwana wavo ainge aenda kunorwisa hurumende yaitonga panguva iyoyo.

Chimwe chinomurwadza zvikuru ndechekuti panguva ino pakanga pasisina achada kumuitirawo chinhu. Dzimwe shungu dziri pakuti panguva iyi vanhu havachamuoni sechinhu, kunyangwe zvazvo akaita kuti ivo vakasara mudzimba vazogarawo munyika yakasununguka.

Panguva iyi ava kuudzwa kuti haana kudzidza nekudaro haana basa raanokwanisa kuwana.

Hapana icho achinacho kusiya kwekachipepa kaaive akatsamira kaive kave mvemve regumbeze raainge atenga nemari yedemobilisation ako aikwanisa kuti ndikowo kake.

Ane shungu dzekuti akazvarirwa kutambura. Panomboti shungu dzake sererei, ndipo paanotsangurirwa maroverwo aakanga akaitwa nemotokari iyo isina kumbomira kutarisa kuti aive akuvara zvakadii. Dzinoti dzodzokazve shungu dziya pwere dzakazvarwa achiona dzichingomutarisawo semunhu akundikana neupenyu.

Anoona magamba akafira ushingi pasina chaakafira.

Ndangariro dzinotevedzana kuzosvika munhu abiwa nehope.

Paanopepuka, anoona kuti amai vaya vakanga vaenda.

Anokaruka aridza mhere ndokunzwa kune rimwe divi mazwi aiita sekuri kuchemwa rimwe richiti anenge ainge ava kurwarira kufa. Mumwe mupirisa abvunzwa nemumwewo mukadzi kuti ndiani aichema, anoti pfungwa dzake dzainge dzisisatori zvakanaka.

Mumwe murume anotaurira Kasikai mazwi makobvu nematete achimunyomba achiti ari kunyaudza vanhu nepamusaka pekudziirwa nemagumbezi emuchipatara ichi mubhedha wacho uyo aziva nekuti auya muchipatara. Anototi iye ainge amutsika ainge atomubatsira nekuti ainge ava kudya zvisiri zvekunhonga.

Mukoti uyu wechirume apedza kutaura mazwi anorwadza akadai, anobva afamba achienda kunotaura nemumwe mukomana aifamba nemusikana aikwanisa kunge ari wezera rimwe naye.

Kasikai anobva anzwa bundu neshungu richimudzipa pahuro pake. Nyaya inopera angova ma“dai” chete kusvikira munhu azobiwa nehope zvakare.

 

ONGORORO:

Kuti Kasikai anyatse kunzwa shungu dzichimubaya setsono tinoona munyori achishandisa sekerambabvu inovava (bitter sarcasm) semhiripiri. Tinonzwa mukoti wechirume achiti, “Tonokudzosera panzira pako paunogara nokuti waporaka?

Handiti kutonyaudza vanhu kudziirwa nemagumbeze emuno? Unoziva mubhedha iwe, dai kusiri kuuya kuchipatara? Hezvo wazodyawo chikafu chisiri chekunhonga”.

Nyaya iyi izere neshungu dzinomirirwa (epitomised) naKasikai achimirira varwi verusununguko.

Tingangoita setava kudzokorora kuti tidome zvakare shungu dzose idzi idzo dzinoshaiwa mhinduro inopiwa kwadziri.

Hapana mhinduro yatinopiwa kusiya ma“dai” chete ayo anotisiya tiri mumhepo izvi: “. . . kuti dai akadai asina kubiwa nehope angadai akataura nemudzimai uya anove ndiye ega aimuonawo semunhu? Dai pamwe akakasika kupepuka angadai akabatsira? Dai akakasika kuona chiedza chekuti chindoendawo hachibatsire?”

  •  Enderero mberi svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey