A-LEVEL — PAFUNGE -Annatoria anofa . . . ndokusiya anyora tsamba

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 5 (Ongororo: Enderero mberi)
Zvinodimikirwa zvichinzi maererano nechiRungu ichi, vana vakanga vaita “magamiramudenga muswe wengavi” zvekuti vainge vava kutoita kupfuura sevaRungu chaivo (acting more English than the English) sezviya zvakafanana nekunwa putugadzike nechipunu. Kwepiri kudimikira tinosangana nako apo tiri kutaurirwa kuti chando chaiveko chaikwidza hamba mumuti zvinodimikirwa zvichinzi “chakavatonhora chikavapfidzisa matadzo chando” (21).

Kwetatu, uko kunova kwekugumisira, tinosangana nako kuchitiratidza kuti musi uyu mudzimai mukuru akanonotwa zvekunonotwa zviya. Zvinodimikirwa zvichinzi akanonotwa “akasvitswa kutsime nokuhuni” (22). Kudimikira uku kunobatanidzira nedzimwe enzaniso paPeji 23 izvo zvinonzi mukadzi mukuru akabuda mukiriniki achiti tsveru “kunge muroora abatwa achichachura gapu ravamwene vake” (23).

Zvimwe zvacho zvinotaurwa zvinoita kuti muverengi anzwire mudzimai uyu tsitsi apo zvinonzi iko kutukwa musiyo vakazvipfidza nzeve dzichinzi “dzainge magwanhi omuboora” (23) maziso “ainge nhunguru dzakarohwa nechando” (23) idzo nzara “dzainge dzamakwidibidi” (23).

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho)
Inguva yeKisimusi machechi akaungana paMharapara mishoni vanhu vachikudza Jehovah namazana akazanirana, vachiiti makwikwi ekuimba. Usiku ihwohwo mumwe munhukadzi anonzi Annatoria Tichafa apo anopedza kuzvisunungutsa mwana musikana anonwa mapiritsi akawanda ndokufa achisiya anyora tsamba.

Mangwana omusi wa25 Zvita vanowanikwa vakazendama nomubhedha navanamuparidzi Masango avo vainge vafumouya kumunamato wokunyaradza Anna panhamo dzake. Musangano wokukudza Jehovah unopinduka ukava mariro aAnnatoria. Panoimbwa VaMasango ndokupa mharidzo kwava kuzouyawo mumwe murume akaita munyengetero.

Rushiye rwunopihwa zita rokuti Rudo Moyo, Mufundisi Lovedale ndokuti ndivo havo vanoda kuti vatore Rudo vagomurera sechishuwo chaamai vake. Gore rinouya mufundisi ava vachibva vaitwa mukuru wepaMharapara ndiro gore rinonyangarika mudzidzisi Phainos Kamunda nekuti mhosva dzokukanganisa vanasikana vavanhu dzainge dzomutsitsirira. Anopesana naMufundisi Lovedale nekuti Kamunda zvesvondo haachadi kuzvinzwa, zvava kumuomera kutaura mirabaraba yemazwi orurimi rwake sezvo Mufundisi Lovedale vainge vari muRungu chaiye avo vaimupikisa kuti kwakanga kusina JC zvichikwira.

Kutiza kwaanoita achibva pamishoni apa amai vake, avo vaiva muchengeti wevanasikana kana kumboziva kwaakaenda nako kunyange zvazvo ainge avanyorera tsamba achiti ari kuenda mhiri kwamakungwa kunodzidza. Ichiwo chimhandara Rudo chokusiiwa naamai vacho chinokura chiri chivhindikiti chaicho.

ONGORORO
Tinoona kuti muchitsauko ichi zvirungamutauro ndezvekutotsvaga nechipenenguro chaicho nekuti muverengi unogona kupedzisa usina kuona kana nechimwe chaicho asi mutauro wacho wakatsetseka usingatemesi muverengi musoro asi uchigona kuburitsa nhunha dzemunyori. Tinozoti paPeji 26 tonhonga zvidavado zviviri.

Chokutanga tinochiona apo mumwe murume ari kupa munyengetero achikumbira Mwari kuti abvise maronda ari muhana dzavanhu avo vasara vari kuvaima “sedova mangwanani” (26). Anonamata kuna Mwari achiti agova nemucheche uyu kuti akure “ari pasi pamapapiro enyu erudo netariro” (26).

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey