ABATA CHIBHARO CHITUNHA . . . vana vachiona

14 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
ABATA  CHIBHARO  CHITUNHA    . . . vana vachiona Asst Insp Nomalanga-Msebele

Kwayedza

Flora Fadzai Sibanda

MURUME anogara mumusha weCowdray Park, kuBulawayo, aponda mudzimai wake, ndokubata chibharo chitunha chacho vana vavo vakatarisa.

Apedza izvi, murume uyu abva azvisungirira ndokufa.

Mushure mekuponda mudzimai wake, Judge Evans Zinzombe (36), abva siya akiira vana ava – wemakore 12 ekuzvarwa nemudiki ane makore 7 – mumba mune chitunha chaamai vavo, iye ndokutiza.

Nyaya iyi yakaitika husiku hwemusi weChitatu svondo radarika.

Murume uyu nemudzimai wake vanonzi vaigara vachinetsana muwanano yavo izvo zvakavasvitsa pakurara mudzimba dzakasiyana.

Zinzombe, uyo akange ava kutsvagwa nemapurisa nekuda kwenyaya yekuponda Phelomina Mabika (32), akazowanikwa akafa akazvisungirira zuva rakatevera.

Mutumbi wake wakawanikwa wakarembera pabango resimbi muchengo chemukati mechechi kuCowdray Park.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Assistant Inspector Nomalanga Msebele, vanoti Mabika aiva akarara nevana vake vaviri apo Zinzombe akaverera ndokupinda mumba umo akamonya mutsipa wemudzimai wake.

Vana vanonzi vakamuka vanzwa ruzha rwaamai vavo vaichema nekudzipwa, vachibva vaedza kutaura nababa vavo kuti vasiye zvavaiita, asi akavhundutsirwa achiti aigona kuvaurayawo.

“Zinzombe akazoenderera mberi nekubata chibharo chitunha chemudzimai wake pamberi pevana vavo, ndokuzokiira vana ava muimba imwe chete nemutumbi achibva atiza pamba apa,” vanodaro Asst Insp Msebele.

Vana ava vanonzi vakarara husiku hwose vaine chitunha chaamai vavo uye vakazokwanisa kuvhura gonhi rechimangwana racho vachibva vazivisa vavakidzani avo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Mapurisa pavakasvika panzvimbo iyi, vakawana mutumbi waMabika uchibuda furo neropa nemukanwa nemumhuno. Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari,” vanodaro.

Asst Insp Msebele vanoti semapurisa, vari kushushikana nekuwanda kwemhosva dzevanhu vakaroorana vari kupondana.

“Tinoyambira veruzhinji kuti hakuna munhu ane kodzero yekuuraya mumwe munhu, hazvina mhosva kuti matadzirana zvakadii uyewo tinoda kuti vanhu varemekedze upenyu hwevamwe. Tinogara tichikurudzira veruzhinji kuti vasagadzirise matambudziko avo nekurwa, asi kuti vatsvage vayananisi kana paine zvinonetsa,” vanodaro.

Pakashanyirwa musha wemhuri iyi nevatori venhau, pakawanikwa pasina vanhu.

Vavakidzani vakataurwa navo vanoti vana ava vakaendwa navo kuHarare nevemhuri yekwaMabika apo nyaya iyi yakanga ichangobva kuitika.

Muridzi wemba yaigara Mabika naZinzombe, VaMunyaradzi Mupamhanga, vakaramba kutaura nekuda kwenyaya iyi.

Mumwedzi waChikumi, murume wekuBulawayo, Thulani Lunga, akauraya shamwarikadzi yake, Silungile Tshalibe (44), wekuPumula South nekuda kwekukakavadzana vari kubhawa.

Vaviri ava vanonzi vainwa doro pabhawa reMutamba Sports Bar apo vakatanga kukakavadzana.

Vakazoenda kune imwe imba uko vamwe vanhu vakaedza kuvayananisa pasina kubudirira.

Murume uyu anonzi akazoonekwa achibva pamba apa akabata banga, mutumbi wemusikana wake wakarara pasi pahwaro hwaiva huzere ropa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey