AJ otuka Fury, Wilder

13 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
AJ otuka Fury, Wilder Anthony Joshua

Kwayedza

ANTHONY JOSHUA akatuka Deontay Wilder naTyson Fury achitaura nevatori venhau kekutanga apo ari akatarisana nemutambo weJoshua vs Whyte II uyo uchaitwa nemusi weMuvhuro masikati.

AJ akasangana naDillian Whyte kekutanga zvichitevera mutambo wake wekupedzisira uyo akarwa svondo rapfuura.

Pamusangano uyu nevatori venhau, AJ akabvunzwa kana aishandisa mutambo uyu kuti aite gadziriro dzekuzoenda kuSaudi Arabia kunosangana naDeontay Wilder kupera kwegore rino.

Joshua akakurumidza kuvhara mashoko aya ndokuudza vatori venhau kuti aneta nekunzwa nezvaBronze Bomber (Wilder), ndokukanda mamwe mashoko kuna Gypsy King (Fury).

“Kanganwai zvaWilder nevamwe vakawanda. Vamwe vacho vanongopinda mumasora mangu kwemakore akawanda. Munoona tsika dzinoitika muboka reheavyweight!

‘Ndiri pachokwadi, mange muchiona zvange zvichiitwa naFury. Akabuda akati ari kuita gadziriro kuti asangane naUsyk, ndokuzoti anoda kusangana naSugar Hill, ndokuzoti haasi kuita gadziriro dzekusangana naye. Munongoona nhema dzose idzi dzakawandisa,” anodaro.

Paakabvunzwa kuti sei akafunga kurwa naWhyte kechipiri mushure mekumbomukunda muna2015, AJ anoti: “Ibhizimisi rakanaka”.

Akaudza vatori venhau kuti: “Chokwadi ndagadzirira kurwa. Kune mazita akawanda muchikamu chedu asi tarisai kuti mutambo uyu unounzei. Mutambo uyu une bhizimisi rakanaka.” — SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links