Uncategorized

Akabatwa aine musoro wemunhu, une ndebvu

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Akabatwa aine musoro wemunhu, une ndebvu

Kwayedza

Richard Muponde ari kuGWANDA —
MURUME ane makore 22 okuberekwa wekwaGaranyemba, kuGwanda akawanikwa aine musoro wemunhu une ndebvu pamwe nenhengo dzesikarudzi dzechirume, izvo anonzi akacheka pamutumbi wemurwere wepfungwa uyo waakaponda mushure mekunge avimbiswa $25 000 namuzvinhabhizimisi aida kuzvishandisa mukuchekeresa.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti musungwa uyu, Honest Moyo, akatumira mashoko (SMS) anotyisa nenharembozha yake kune imwe nhamba yekuSouth Africa achiti, “Isitshebo sesi ready (Usavi hwenyama hwekudyisa hwavepo)” kureva musoro wemunhu nesikarudzi zvaakawanikwa anazvo izvi.

Mune imwe vhidhiyo — iyo inokanganisa pfungwa zvikuru nekuiona — Moyo anotsanangura kucheka kwaakaita nhengo dzemuviri wemunhurume aizivikanwa munzvimbo yeCollen Bawn nezita rekuti Mduna.

Anotaura muvhidhiyo iyi achiita hurukuro nevagari vemunharaunda iyi – avo vakamubata musi weChina wadarika – iye achiita sekunge ainge asati oziva hudzamu hwemhosva yaanonzi akapara iyi.

“Ndakamunhonga atofa kare, uye ndakangocheka zvandaida bedzi,” anodaro Moyo muvhidhiyo iyi. Moyo anonzi akaudza mapurisa kuti akasangana nemunhu anonzi Cosmas Zhou wekuChiredzi pane rimwe bhawa, uyo akamuvimbisa kumupa $25 000 kana akamuunzira nhengo dzemutumbi wemunhu. Vagari vekuCollen Bawn vanoti Mduna aizivikanwa zvikuru munharaunda yavo.

Mumwe wevanhu vanotengesa zvinhu munzvimbo iyi — uyo asina kuda kuziviknwa zita rake — anoti akatanga kutengesera munharaunda iyi apo Mduna akange ave kutozivikanwa kare nenyaya yekugara achitenderera paCollen Bawn Shopping Centre. “Mduna akatenderera panzvimbo ino kwemakore akawanda. Dzimwe nguva aimboenda kunorasirwa marara uko mutumbi wake wakawanikwa uri — usina musoro nesikarudzi — achinotsvaga zvakasiyana. Akange ari munhu asingavhiringidze vamwe uye hapana anoziva kuti akabva nekupi,” anodaro.

Mumwewo anotengesa mune chimwe chitoro chiri munzvimbo iyi, uyo akaramba zvakare nezita rake, anoti pane fungidziro yekuti Moyo ndiye akauraya Mduna nekuti aiziva kuti hapana aizomutsvaga. “Mduna aigona kumboshaikwa kwemazuva uye hapana aimbomutsvaga. ‘‘Taiziva kuti aizoonekwa chete. Murume wechidiki uyu (Moyo) ane hutsinye zvikuru. Auraya chisikwa chaMwari change chisiri njodzi kune vamwe,” anodaro mushandi wemuchitoro uyu. Moyo anonzi akauraya Mduna nemusi weChipiri svondo rapera — ndokucheka musoro nenhengo dzesikarudzi dzake, izvo zvaakaisa mubhegi —achibva aenda nazvo kumusha kwake kwaGaranyemba.

Anoramba kuti akauraya murume uyu achiti akangoona mutumbi wake kugomba rinorasirwa marara ndokubva acheka musoro wake nenhengo dzakavandika achida kuzvitengesa. Zvisinei, Moyo akazonoratidza mapurisa paainge asiya afushira mutumbi wemurume uyu — uyo wakawanikwa usina musoro nenhengo dzesikarudzi.

Humhondi uyu hwakabuda pachena apo imwe hama yaMoyo — Thandolwenkhosi Ndlovu (19) — akamushanyira kumba kwaamai vaiye Moyo mushure mekunge anzwa runyerekupe rwekuti ane nhengo dzemunhu.

Ndlovu anonzi akasvikopinda muimba yekubikira umo akachingurwa nemusoro wemunhu waive wakaiswa pasaga raive rizere ropa, ndokubva abuda mumba umu achitiza, pashure ndokuudza vagari vemunharaunda vanova vakasunga Moyo.

Matikitivha emapurisa akazotora musoro nesikarudzi zvakawanikwa zviri mubhegi izvi, zvose nemutumbi wainge wakafushirwa muguva risina kudzika, ndokuzviendesa kumochari yechipatara cheGwanda Provincial Hospital kuti zvinoongororwa namachiremba.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, havana kukwanisa kubatika kuti vataure nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>