Uncategorized

Akabhinya vana vake 2

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Akabhinya vana vake 2

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemuHarare ari kunzi akabata chibharo vanasikana vake vaviri — ane makore 6 neane makore 11 okuberekwa —zvekusvika pakukuvadza mudiki wacho uyo anonzi aimuita zvakare chingochani.

Dambudziko revana ava rakabuda musi weChipiri svondo rino pachirongwa chepanhepfenyuro yeStar FM — cheTilder Live.

Nyaya yemurume wekubata vanasikana vake chibharo uyu inonzi yakatanga kumhan’arwa kumapurisa ekuRushinga, kuMashonaland Central, ikazopfuudzwa kumapurisa ekuMarlbrough, muHarare, uye ine nhamba dzinoti CR8586/5/17.

Asi murume uyu anonzi haasati abatwa kubva pakamhan’arwa nyaya iyi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mafambiro akaita nyaya iyi.

Amai vevana ava zvose naamai vavowo —vanova ambuya vepwere mbiri idzi — vakaridza mhere munhepfenyuro nemusi weChipiri apo vaitsanangura mafambiro enyaya iyi.

“Ini ndaibuda kunze kwenyika ndichinohodha zvinhu zvekutengesa apo baba ava vaitora mukana uyu kubata vana chibharo nekuvaita chingochani. Izvozvi mudiki wacho wemakore 6 okuberekwa haachakwanisa kugara, akakuvadzwa.

“Ndine vanasikana vana pamwe chete vanoti wemakore 2, 6, 9, ne11. Ndinoda kubatsirwa nekuti murume uyu ari kuuya kwandiri achiti ari kuda kuti ndiende pasi (kufa) achiti ndipo paanozoenda kunozvipira kumapurisa,” vanodaro amai vevana vachisvimha misodzi kuchema.

Chibharo ichi chinonzi chakatanga kuonekwa naambuya vevana ava apo vaivagezesa nekuvachinja mbatya mushure mekunge vaenda kuzororo rechikoro.

Nekuda kwekukuvadzwa kwakaitwa vana ava, mudiki wacho anonzi ari kuda mari yekurapiswa kuti aonekwe nemachiremba.

Mwana wemakore 11 anonzi akamboedza kuzvitsikisa nemotokari nekuda kwedambudziko rekubatwa chibharo iri.

“Zvinondirwadza zvekuti ndimbofunga kuti kufa kuri nani, hapana chandinoraramira,” anodaro mwana uyu — vose nevabereki vavo vatisingakwanise kudura nemazita avo nechinangwa chekuvachengetedza.

Murume uyu anonzi akatanga kubata vana vake chibharo mushure mekunge aenda kune imwe n’anga uko akanopihwa mishonga.

Musikana mukuru anonzi haadi kutaura naamai vake nekuda kwenyaya iyi kuburikidza nekuvhundutsirwa uko akaitwa nababa vake achinzi aizofa kana akawana waanozvitaurira.

Amai vevana ava vanoti vakazosiyana nemurume uyu nekuda kwekuti vaigara vachirohwa uye vakambopiswa nemvura.

Baba vevana ava vanonzi vanoita basa rekutengesa nekugadzira nharembozha muHarare.

Vanoda kubatsira vana ava nemari yekuti varapwe vanoridza nhare dzinoti 0782 902 317 kana 0771 119 099.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>