Akabongomora mudare l ‘Dai ndakaziva ndisina kuroorwa’

26 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MUKADZI wekuti anogara achirohwa pamwe chete nekutukwa zvinyadzi nemurume wake akaridza mhere mudare achiti kudai akazviziva kuti wanano inoshungurudza zvakadaro, dai asina kumbobvira aroorwa.

Elizabeth Sanyonga akamhan’arira Paul Chirikure kuHarare Civil Court.

Akaudza mutongi wedare iri Marehwanazvo Gofa, achisvimha misodzi kuti: “Handina kumboziva kuti kuroorwa kwakaoma kudai. Murume wangu uyu andishungurudza kubva zvatakaroorana. Dai ndakaziva kuti dzimba dzinopisa kudai ndingadai ndisina kumboraira.

“Chokwadi ndingaita upenyu hwekunge ndiri mujeri here? Anondirova achindituka mashoko anorwadza pamberi pevana. Kana mumugwagwa chaimo haana rukudzo kuti ndiri mudzimai wake, anongopopota pazere vanhu.

“Murume wangu ndaimuda asi zvakona changamire wangu, regai ndimbowana nguva yekuzorora.”

Sangonya akati vakamboedza kuti vehukama vavagadzirise asi zvakakona. “Anoita kunge munhu anzwisisisa kwemazuva maviri chete asi mazuva anotevera otanga zvakare,” akadaro.

Chirikure haana kupokana nezvakataurwa nemudzimai wake.

“Ini handipikisani nemashoko ari kutaurwa nemudzimai wangu aya. Zvinhu izvi zvinokwanisa kugadzirika ishe wangu tikatogara tichifara mumba medu. Mabasa nenguva ndizvo zvinoita kuti tisagarisane zvakanaka.

“Tinoswera tisiri pamwe chete, mumwe nemumwe ari kubasa kwake. Kudai tichiswera tese pasina nyonga-nyonga yese iyi. Mukadzi wangu ndomuda ende handibvumirane nezvaari kutaura zvekuti ari kuda kubuda mumba kuti ambonozorodza pfungwa. Regai ndigadzirise imba yangu idzokere mugwara,” akadaro Chirikure.

Mutongi Gofa akapa Sangonya gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka nekuchengeta mhuri vari pamwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey