Akaendesa zvipfeko zvemukadzi kun’anga

24 Mar, 2016 - 14:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
SAMUSHA vekupa mukadzi gupuro vanonzi vakazorwadziwa mushure mekunge ave kudanana nemumwe murume zvikaita kuti vamubire zvipfeko zvake zvemukati ndokuzviendesa kun’anga kuti zvinogadzirwa nemushonga werukawo.

Milicent Gurupira akamhan’arira aimbove murume wake, Wellington Nyungo, kuHarare Civil Court achiti ari kumutambudza.

Gurupira anoti Nyungo anomutuka, kumurova nekutora nhumbi dzake dzemukati achienda nadzo kun’anga.

“Changamire, ndinoshaya kuti murume uyu achiri kundida pakai iye ari iye akandipa gupuro. Anouya achikonzeresa bongozozo pamba pangu nemurume wangu. Akambouya akandirova, akamborova murume wangu zvakaita kuti timuendese kumapurisa,” akadaro.

Akati Nyungo akaba mabhurugwa ake emukati ndokuenda nawo kun’anga kuti anogadzirwa nemushonga werukawo.

“Pamusoro pazvo, akauya kumba ndisipo ndasiya ndayanika mabhurugwa angu maviri akaatora ndokuenda nawo kun’anga. Ndakazoita zvekutoudzwa nemuvakidzani wangu kuti ndiye akatora. Ndakabvunza nemaakafamba namo ndikanzwa kuti akanga aonekwa achienda pan’anga zvakaita kuti ndiendewo ipapo ndinozvinzwira chokwadi.

“Ndakaudzwa kuti akasvika achida kuti n’anga indigadzire kuitira kuti ndisaite bonde nemurume wandinaye. Saka changamire, ndave kutyira upenyu hwangu, munhu akadaro anogona kana kundiponda kana kundiisira muchetura wekuti ndife. Ndine madhoketi matanhatu aakandivhurisira achiti ndiri kushungurudza mukadzi wake nekuti munhu anogona kutaura,” akadaro.

Achipawo divi rake, Nyungo akati ndiye aifanirwa kutodzivirirwa nekuti Gurupira anoenda kumba kwake achimushungurudza pamwe chete nemukadzi wake mutsva.

“Chiri kunyanyondishamisa ndechekuti ari kushungurudzwa ndini kwete mukadzi uyu. Paanogara handipazivi asi iye anouya kumba kwangu ondidzingira mukadzi wangu. Saka ndini ndingatoda kudzivirirwa kwete zvaari kutaura.

“Mukadzi wamuri kuona uyu akandirova akanditema nechidhinha ndikatoenda kuchipatara. Izvi zvandiri kutaura umboo ndinahwo hwekuratidza kuti ndakatoenda kuchipatara nekuda kwake. Akatombosungwa sezvamanzwa achitaura nekuda kwekukonzeresa bongozozo,” akadaro Nyungo.

Gurupira akabva amugamha achiti: “Murume uyu ndinomuziva, hapana musi wandakambogona kutaurirana naye izvi anozvishandisa kuti abude munyaya dzake dzese. Mukadzi wake waari kuti ndakamudzinga handitomuzivi kuti akaita sei, tikaenda kumba kwake izvozvi tinomuona ariko mukadzi waari kuti ndakadzinga.”

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Gurupira.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey