Uncategorized

Akafira R2 000 yeroora

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Akafira R2 000 yeroora

Kwayedza

Whinsley Masara

MURUME wekuTsholotsho, uyo pari zvino ari kugara kuSouth Africa, anonzi svondo rapera akadzoka kumusha apo akazozvambaradza imwe hama yake kusvikira yafa achiipomera mhosva yekumubira R2 000 iyo aida kurooresa musikana wake.

Mlindisi Sibanda (29) anogara kuTshabanda ari kunzi akarova Lungani Tshuma (23) nechitanda kakawanda muviri wake wose mushure mekunge ashaya mari yake izvo zvakazokonzera rufu rwake.

Bongozozo rinonzi rakaitika masikati emusi weChitatu chadarika.

Kanzura wewadhi 19 kuTsholotsho, VaPios Ncube, vanoti Sibanda – uyo anogara kuSouth Africa – akange achangosvika kumba kwake apo akaparamura mhosva iyi.

“Musi uyu, Sibanda akaudza Tshuma kuti auye kumba kwake achida kuti amubatsire kupenda dzimba dzake.

“Sibanda akatora mari kubva muhomwe yake ndokuiverenga pamberi paTshuma. Akabva aidzosera muhomwe yetirauzi rework suit yake ndokuudza Tshuma kuti anoda kuzoishandisa kuroora,” vanodaro Kanzura Ncube.

Vanoti ave manheru, Sibanda akabvisa tirauzi rake ndokuriisa pamubhedha.

Muchinda uyu anonzi akabva aenda kunochera mvura pane chimwe chibhorani chiri chinhambwe chemamita 30 kubva pamba pake ndokusiya Tshuma aripo.

“Paakadzoka, haana kuona mari yake. Akabvunza Tshuma uyo akati aive ambobudawo mumba umu achienda panze saka akange asina ruzivo nezvemari iyi.

“Izvi zvakashatirisa Sibanda uyo akabva atora chitanda ndokutanga kurova Tshuma nacho muviri wose zvikaita kuti aite maronda maviri akadzika pamhanza pake,” vanodaro Kanzura Ncube.

Tshuma anonzi akazonunurwa naKenneth Ndlovu uyo akamunzwa achibongomora kuchema apo airikitwa naSibanda.

Ndlovu anonzi akazoudza Tshuma kuti aende kumba kwake izvo zvakarambwa naSibanda achiti aida kuti varare vose pamba pake.

Mangwanani emusi weChina, Ndlovu anonzi akaenda kumba kwaSibanda achida kunoona kuti Tshuma aive achinzwa sei semunhu aive arohwa. Anonzi akagogodza pamusuwo apo Sibanda akavhura gonhi uye paakapinda mumba umu, akawana Tshuma arere pasi achiratidza kuti ainge atofa.

Kanzura Ncube vanoti Ndlovu akabva abuda mumba umu ndokuenda kuNkunzi Business Centre uko akawana nhare yaakashandisa kufonera babamukuru vake vanogara kuFigtree.

“Akavaudza zvainge zvaitika uye babamukuru ava vakabva vaenda kuTshabanda. Vakazotora Sibanda ndokuenda naye kumapurisa,” vanodaro. Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMatabeleland North, Chief Inspector Spiwe Makonese vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Sibanda akasungwa uye ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Ndinotsinhira nyaya yekusungwa kwemurume ane makore 29 okuberekwa wekuTsholotsho uyo anonzi akarova mumwe murume pamusoro pemari yaive yashaikwa.

“Nyakurohwa uyu akafa husiku uye akazoonekwa akafa neimwe hama yake yakange yaenda kunoona kuti ainge arara sei mushure mekunge amborandutsira vaviri ava,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>