Uncategorized

Akagochwa kumasowe…‘Aiti aibvisa mweya yakaipa iri pandiri’…‘Pandaichema kutsva zvainzi idhimoni’

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Akagochwa kumasowe…‘Aiti aibvisa mweya yakaipa iri pandiri’…‘Pandaichema kutsva zvainzi idhimoni’ Theo Dollar Tsuro

Kwayedza

Theo Dollar Tsuro

Theo Dollar Tsuro

VAKURU vakareva pavakati nhamo haibve pane imwe! Izvi zvinotsinhirwa nenyaya yakaitika kumumwe mukadzi wechidiki wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, uyo panzvimbo yekuti abviswe mweya yakaipa nemuporofita, akazokuvara zvakanyanyisa apo akanzi anatire mvura yaipisa akaputirwa nemagumbeze

Mukadzi uyu akapiswa nemuporofita uyo akamuti anatire mvura yaipisa iyi achinzi izvi zvaizodzinga mweya wakaipa uri paari.

Muporofita uyu, Upenyu Uzire (35) wepanhamba 821 kuSt Mary’s kwakare, svondo rapera akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates Courts akatarisana nemhosva yemhirizhonga nekukuvadza kwaakaita mumhan’ari, Theo Dollar Tsuro (23).

Muporofita uyu ari kutongwa pasi pemutemo weCriminal Codification and Reform Act Section 89 (Chapter 9:23).

Uzire akarambisisa mhosva yaari kupomerwa apo akamiswa pamberi pemutongi Blessing Murwisi.

Akanzi abhadhare bhera re$100 uye nyaya yake ichiri kuenderera mberi mudare iri.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa17 Kurume gore rino, panhamba 821 St Mary’s, Uzire akashandisa nzira inokuvadza mukunamatira kwaaiita Tsuro izvo zvakamusiya akuvara.

Uzire anonzi akashandisa matombo akange achipisa ayo akaisa mudhishi rine mvura ndokudira fodya mukati. Anonzi akazotora gumbeze iro akafugidza Tsuro naro kuti anatire mvura iyo yaikwata kupisa zvikaita kuti atsve mawoko ake ose nepaibvi.

Tsuro akaudza dare kuti Uzire pamwe nemumwe murume waaive naye vakange vakatsikirira gumbeze iri nechekunze apo iye ainge achinzi anatire mvura yaipisa iyi.

“Ndaitsva ivo vachiti pane dhimoni riri pandiri. Kuchema kwose kwandaiita ndiri mugumbeze ndichivaudza kuti vandiburitse ndave kutsva ndaitonzwa vachitaurirana vari kunze vachiti idhomoni raitaura, rinofanira kutsva kuti ribude. Ndakatsva mawoko nekuti ndaiedza kuvhara maziso angu kuti asatsve, zvimwe ndingadai ndiri bofu kutaura kuno.

“Kudai makauya (kureva mutongi wedare) makandiona ndiri kuChitungwiza Central Hospital kwandairapwa maitya imi nekuti handaikwanisa kana kuzvipindura muviri wangu. Ndaitobatsirwa,” Tsuro akaudza dare.

Anoti paakazoburitswa mugumbeze raainge akaputirwa naro, Uzire akatora mamwe masora nemashizha akamukwiza nawo pamawoko ayo akange ave nemaziduzu ehutsva.

“Ndasvika kumba, ndipo pandakaona kuti maduzu aya akange atokura zvekuti mawoko nemakumbo angu akange atozvimba. Izvi zvakaita kuti hama dzangu dzindiendese kuchipatara.

“Iye muporofita uyu akatombotevera kuchipatara achindibvunza kuti ndichapora here ndikati handizivi. Akasiya anditengera mishonga nemabhandeji asi kubvira ipapo haana kuzouya kuzozadzikisa zvaakange ataura kuti achabhadhara zvose zvaidiwa kuchipatara. Ndiko kusaka ndakazomumhan’arira,” anodaro Tsuro.

Zvisinei nekuti mudare iri makaburitswa magwaro ekwachiremba ayo anoratidza umboo hwekutsva kwakaita Tsuro, Uzire ari kurambisisa nyaya yekuti mukadzi uyu akatsva achimunamatira uye kuti akaenda kunomuona kuchipatara uko airapwa.

“Handina kumbokushanyira kuchipatara ini uye wakabva pakirawa pangu usina kukuvara uchitovimbisa kuti uchadzoka zvakare kuzopedzisirwa minamato yako. Ko, kana ndakakubhadharira mishonga yekuti urapwe sei wakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa?” akadaro Uzire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey