Uncategorized

Akaita musara achera guva

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Akaita musara achera guva BENNY MATEKENYA

Kwayedza

BENNY MATEKENYA

BENNY MATEKENYA

MURUME aikanya zvidhinha pachuru chiri pedyo nerwizi rwaMukuvisi, kunaAmalinda kuGlen View 7, muHarare, anonzi akatanga kuita musara achirasa njere mushure mekunge afukunura guva nekusaziva.

Murume uyu, uyo anozivikanwa nekunzi “Dread” munzvimbo iyi, anonzi akatanga kubvotomoka zvisinganzwisisike apo akachera ivhu rezvidhinha paguva iri.

Samuel Nyakuviruka (36), uyo anokanyawo zvidhinha munzvimbo imwe chete iyi, anoti nyaya iyi yakasiya vazhinji vave kutya kuchera zvuru pakukanya zvidhinha nekuzeza kusangana nemarangwanda evanhu vakafa.

“Dread tinogara naye muno achiita basa rekukanya zvidhinha zvinova zvinoraramisa mhuri yake. Dambudziko rakauya apo akaerekana achera nzvimbo ine guva, piki yake yakanorovera padombo ndokutanga kutaura achiita seasvikirwa,” akadaro Nyakuviruka.

Anoti murume uyu akaenda kwaari achibvotomoka semunhu akasvikirwa.

“Akabva kwaaikanya zvidhinha achijuja dikita ndokusvikoramba akanditarisa semunhu arasika njere achiti pane mazwi aainzwa munzeve dzake. Pakarepo akabva atanga kudzvova ndokuti, ‘Waita basa ndaishaya kuti hama dzangu dzingandiwane sei, ndinoda kuti unondisvitsa kumusha kwangu kuhama dzangu,’” akadaro Nyakuviruka.

Benny Matekenya (21), uyo anoitawo basa rimwe chete iri munzvimbo iyi akati:

“Paakasvika patiri, murume uyu aiva akasvikirwa achiti, ‘Ndini Stella, ndakapondwa mugore ra2002 ndichienda kubasa kuCrest Breeders kunoshandira mhuri yangu. Varume vatatu vakandiponda vaifunga kuti ndaiva nemari iyo vakashaya. Pavarume vatatu ava vaviri vakabuda kunze kwenyika asi mumwe chete ari muno.’”

Mai Evernice Nyakuviruka (26) vanotiwo vakashamiswa kuona Dread akabatwa nemweya apo akanga abva pazvidhinha zvaaikanya.

“Dread akatambura mweya wemunhukadzi uchitaura zita rawo uchiti waida kuti anotaurira hama dzake. Hatizive kuti akazoita sei nekuti takazongomushaya muno ndokusiya zvidhinha zvake zvisina kutsva,” vakadaro.

Mumwe wevanhu vanoshandira munzvimbo iyi achiita basa rekutsemura matombo, Givemore Kanengoni (33), anoti murume uyu akabva pachuru paaikanya zvidhinha achienda kwavari kunokumbira fodya apo akasvika achiita searasa njere.

“Achingosvika pandiri ndakamuti, ‘ko Dread ndeipi?’ akanditi, ‘ndinobva kwaBushu kuShamva, zita rangu ndini Stella ndakanga ndauya kuzoshandira mhuri yangu ndakapondwa’. Ipapo aibva azovhunduka obvunza kuti aiite chii. Aizotanga zvakare kuti, ‘ndinoda kusvitswa kumusha kwangu wandicherera chii? Ndinokutungamirira kusvika kumusha kwangu,’” akadaro Kanengoni.

Mweya uyu unonzi waiti vabereki vemushakabvu ndivo vakanga vakonzera rufu rwake nekuti vakamutumidzira mamhepo.

Tinashe Kanengoni (23) anoshandirawo munzvimbo iyi anoti akaona bhaisikopo repachena chairo.

“Takapinda basa kwemazuva mufunge tikatadza kushanda muno murume uyu achingorotomoka mashoko aya. Taienda naye kuchuru ichi kwaaishandira mweya uyu uchitaura tikanoratidzwa painzi paiva neguva pacho. Paiva nevhudzi nemapfupa nematombo airatidza kuti akanga akaiswa mukati meguva uye nekachipenga kehembe yairatidza kuti ndeye munhukadzi,” akadaro Tinashe.

Dread anonzi akazotorwa nemudzimai wake apo vaigara kuGlen View ndokuendwa naye kumusha kwavo uko anonzi ari kubatsirwa kubviswa mweya uyu.

Mbuya Ennie Choenda (80), vekwaNyamburi kwaMurehwa, vanoti murume uyu haana zvaakaita nekuti kunyangwe akatiza kubva munzvimbo iyi, mweya uyu haumusiye, unoda kuti anosvika kumusha kwemufi.

“Uchamubata zvakasimba mweya uyu zvekuti uchamusimudza kunosvika naye kumusha kwemufi wozodzoka nemhuri iyi kuzovaratidza guva iri,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, vanoti nyaya iyi yakanga isina kusvika kwavari uye vachaiferefeta.

Zvakadaro, churu chakatizwa zvidhinha ichi chave kuzivikanwa nekuti churu chaStella apo pane zvidhinha zvakasiiwa zvisina kana kumbobiwa zvisinei kuti kunzvimbo iyi kune mbiri yekubiwa kwezvidhinha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey