Uncategorized

Akamitisa mwana wechikoro, akazvuzvurudziwa kudare

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

MUSIKANA wekupihwa pamuviri achiri pachikoro izvo zvakaita kuti asiire fundo panzira, akaenda kudare achida kuti baba vemwana uyu vamuriritire sezvo ave kuenderera mberi nedzidzo yake.
Charity Muchenge akazvuvira Davis Masango kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi sezvo zvava kumuremera kuchengeta mwana.

“Ishe wangu, kuchikoro nekuchengeta mwana hazvisi kundiitira nekuti kwekuwana mari yekuriritira mwana chaiko hakuna sezvo ndiri kutotsvagirwa yechikoro yacho. Ndauya kudare kuti baba vemwana uyu vabhadhare mendenenzi $160 pamwedzi,” akadaro Muchenge.

“Pari zvino ndiri mwana wechikoro, akandiitisa mwana ndisati ndapedza chikoro. Iye anosevenza mabasa emawoko maviri anomuwanisa mari asi haana kana chaari kuunza pakuchengetwa kwemwana. Dai andipawo mari ndikwanise kutengera mwana chikafu, zvipfeko nekubhadhara musikana webasa anosara achichengeta mwana pandinenge ndaenda kuchikoro.

“Mari yaanowana chaiyo handiizivi nekuti haadi kundiudza asi ndoziva kuti yandataura anokwanisa kuiwana.”
Masango akati mari yakataurwa yakawandisa sezvo mabasa emawoko aanoita asingamupe mari yakawanda.

“Mari yataurwa yakandiwandira sezvo pasina chandiri kuwana chine musoro mukushanda kwandiri kuita mazuva ano. Zvinhu zvakaomera munhu wese. Basa randiri kuita ndinopota ndichiriwana pamwe pacho ndichirishaiwa nenyaya yekuti hakuna mari.

“Dzimwe nguva mwedzi unopera pasina chandinacho asi kuti ndizogara pamba hazviiti. Dai zvaibvira ndabhadhara kana $50,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare mushure mekunge Muchenge auya neumboo hunoratidza mari inowanikwa naMasango.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>