Uncategorized

Akaona mutumbi wekasvava

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

PANE mutumbi wekasvava wakawanikwa wakapakirwa mapepa emuchimbuzi mukanwa wakakandwa panzvimbo inorasirwa marara kuKuwadzana, muHarare, svondo rapera.

Mutumbi uyu unonzi wakaonekwa mangwanani nemumwe munhu aizvifambirawo hake nemugwagwa uri pedyo nenzvimbo inozivikanwa nekuti kumaHome Industry.

Mutumbi wekasvava aka, ako kanoratidza kuti kakasunungukwa nguva yasvika uye kakagwinya, wairatidza kuti pakanga pasina nguva refu waraswa.

Pakasvika Kwayedza panzvimbo iyi, yakawana mutumbi uyu usati watorwa nemapurisa.

Patience Munemo, uyo anogara pedyo nenzvimbo iyi, anoti mutumbi uyu wakaonekwa nemunhu aitsvaga sadza kumarara uku.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachiyi, vakatsinhira nyaya iyi vachiti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.

“Nyaya yemwana akawanikwa akaraswa akafa mumarara kuKuwadzana 5 iri mumawoko memapurisa uye pachiri kuitwa tsvagiridzo kuti tione muridzi wemwana.’’

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>