Akapondera sekuru nyama

27 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
Akapondera sekuru nyama

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME wekuChipinge wekupondera sekuru vake nyama yemhuka yemusango akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15.

Washington Muchandirereka (28) anobva mumusha waManesa, kwaMambo Mutema akabatwa nemhosva yekuponda sekuru vake, Rofias Musarowa Marowa, apo akamiswa mudare reMutare High Court pamberi pemutongi Justice Isaac Muzenda.

Muchandirereka akapara mhosva iyi mushure mekunge asina kupihwa nyama yake yemhuka yemusango iyo ainge achengetesa kunasekuru vake ava munaChikumi wegore rapera.

Akabatwa nemhosva yekuponda pasi pemutemo weSection 47 (1) (a) kana (b) Criminal Law, (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Vachipa mutongo uyu, Justice Muzenda vanoti vanhu vanouraya vemumhuri dzavo kana shamwari havafanirwe kutarisira kuchengetedzwa nematare edzimhosva uye vanopihwa mutongo wakakodzera.

Vanoti Muchandirereka anokodzera kugara mujeri kwenguva refu kuitira kuti apfidze nekuda kwemhosva yaakapara.

Justice Muzenda vakabva vatongera Muchandirereka kugara mujeri kwemakore 15.

Muchuchisi Tinashe Katsiru vanoti, “Muchandirereka ndiye akakonzera kufa kwaMarowa nekumurova muviri wose nedanda.

Akazviita achida kumuuraya kana kuve nefungidziro yekuti paive nemukana wekuti zvaaiita zvaigona kumuuraya. Marowa akakuvara zvakaipisisa izvo zvakazokonzera kufa kwake.”

Dare rakaudzwa kuti musi wa30 Chikumi 2020, Muchandirereka – uyo aigara nemushakabvu – akaenda kumba aine nyama yemhuka yemusango ndokupa sekuru vake kuti vaichengetedze achiti ndiyo yaive usavi hwemanheru.

Nenguva dza9 husiku, Muchandirereka akadzoka kumba ndokusvikoona kuti nyama yake pakange pasisina.

Marowa akatadza kutaura kuti nyama iyi yakange yafamba sei.

Nehasha, Muchandirereka akatora zidanda ndokurova naro sekuru vake muviri wose ndokubva atiza apo vakasara vachifa.
Mutumbi waMarowa wakazoonekwa nevavakidzani zuva rakatevera.

Ongororo yakaitwa nemachiremba pamutumbi waMarowa yakaratidza kuti akafa nemaronda ekukuvara zvakaipisisa zvichitevera kurohwa kwaakaitwa muviri wose nemuzukuru wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey