Uncategorized

Akaroverwa foni ine nziyo dzinonyadzisira

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SAMUSHA wekuisa mimhanzi ine zvinyadzi mufoni yemudzimai wemuridzi anonzi akazorikitwa kunge nyoka yapinda mumba nemurume wemukadzi uyu apo vaive pabasa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court mushure mekunge Chipo Bonga wekuDzivarasekwa aendesa murume wake, Cascious Chenjerai, achida gwaro redziviriro nerunyararo.

“Murume uyu zvamunomuona kudai, anotukirira zvinorwadza pamwe nekundirova. Musi watakataudzana ndakatozopona nemunhu akanga atinzwa tichinetsana apo akanga oda kundirova nebhemba raakavhomora zvandisina kunzwisisa akabva andidzinga pamba,” akadaro Bonga.

Bonga akati haadi kuti murume wake asvike pamba nekuda kwemhirizhonga yaanoita uye anouya kubasa kwake achimukanganisa kushanda.

“Vedare, ndinokumbira mundibatsirewo pari zvino ndava panguva yakaoma zvekuti ndinogona kungodzingwa basa chero nguva nokuti anondikanganisa kubasa. Anouya achityisidzira kuvakuru vangu pamwe nevandinoshanda navo,” akadaro Bonga

Chenjerai akaudza dare kuti nyaya iri kunetsa pakati pavo ndeyekuti mukadzi wake anofambidzana zvisina kujeka nemumwe murume waanoshanda naye.

“Mukadzi uyu anonyepa. Handina kumbomushungurudza asi kuti ndakarova murume waanoshanda naye pabasa mushure mokunge ndamubvunza nyaya yemusic kuti aizopa sei mukadzi wangu zvinhu zvinonyadza kudaro. Akandidaira kuti mukadzi wako ndiye ane mhosva, akandipa foni yake akati ndimuisire music yakadaro,” akadaro.

Akati ndiye anoita mabasa ose epamba anosanganisira kubika, kuwachira vana hembe nekutsvaira mumba.

“Ndini ndinoitira vana zvose pamwe nekugadzira mumba. Iwe wave kuda kuita zvako zvaunoda saka haudi kutsiurwa pane zvawakaita nokuti handina basa randinoita ndinongokiya- kiya? Asi kukurega uchiita zvaunoda nevamwe varume,” akadaro Chenjerai.

Mutongi Ruth Kamangira akapa Bonga gwaro redziviriro nerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey