Uncategorized

‘Akashandisirwa mhiko’

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Akashandisirwa mhiko’ BISHOP NDANGA

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKURU wesangano rinomirira chechi dzechipositori reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), Archbishop Johannes Ndanga, vanoti sangano ravo harikurudzire maporofita kuti vashande vachitsaudzira zvakaita sekuita mhiko dzinoita kuti vapedzisire vave kudanana nemadzimai evaridzi.

Mashoko avo anotevera nyaya yaViolet Choto wekwaMakumbe, kuDomboshava, uyo anoti anodanana nemumwe muporofita zvisinei kuti akaroorwa uye anoda muporofita uyu zvose nemurume wake.

Vanotaura vanoti Violet anogona kunge akaitirwa mhiko nemuporofita uyu kuti amude.

Arch Bishop Ndanga vanoti kune mamwe maporofita anogona kuita mhiko dzekuti madzimai avanenge vashandira vanopedzisira vave kudanana navo.

“Zvakadai zvinoitika nekuti tine maporofita anoshereketa izvo zvinogona kunge zvakaitirwa mudzimai uyu kuti agumisire odanana namadzibaba ava. Asi kwatiri sesangano, hatibvumire zvinhu zvakadai.

“Dzimwe nguvawo, pamwe amai ava vanongovawo pfambi hatichaziva. Asi maporofita akadai tinovamisa kushanda kuburikidza nesangano redu. Tinoda kuti murume akatorerwa mudzimai uyu auye kwatiri tigotaura naye,” vanodaro.

Madzibaba Clive Masango (30) vechechi yeKubata kwaVapositori vekuRugare, muHarare, vanoti Violet anogona kunge akashandisirwa mhiko nemuporofita uyu dzekuti adanane naye.

“Inyaya yakaipa kudanana nemadzimai amunoshandira semaporofita, ngatigumirei pakupedza matambudziko kwete kuparadza dzimba dzevanhu. Asi chiripo mukadzi uyu akashandisirwa mhiko dzakasimba zvinova zvakaipa pakuti vazodanana. Kurambana kwamadzibaba ava nemukadzi uyu mumwe anogona kufa. Amai ava vanoda kubatsirwa varutsiswe,” vanodaro Madzibaba Masango.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko vekuChitungwiza vachiti pane mhiko dzakaitwa nemuporofita uyu kuti adanane naViolet.

“Zviri pachena kuti mukadzi uyu akashandisirwa mhiko kuti ade muporofita uyu. Asiwo zvakaipa kutsvaga mhiko dzekuparadza dzimba dzevanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey