Uncategorized

Akasungwa pamasowe

01 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Akasungwa pamasowe Inspector Tendai Mwanza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaSeke akanosungirwa nemapurisa pamasowe apo aishandirwa mushure mekunge areurura kumuporofita kuti akaponda murume wake anga ari sabhuku mudunhu iri nekuda kweshanje dzekuti aidanana nemumwe mukadzi wemunharaunda.

Ndakaiteyi Samukute (54) wemubhuku raMutumbi ari kupomerwa kuponda murume wake, Peter Tigere (58), uyo anga ari sabhuku.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti husiku hwemusi wa29 Chikunguru, VaPeter Tigere vakanetsana nemwanasikana wemukoma wavo, Maud Tigere (47) nekuda kwenyaya yemunda wairimwa nemwana uyu umo aida kuvaka imba.

Kunetsana kwevaviri ava kunonzi kwakaitika pamberi pemudzimai wemufi, Samukute nemwanakomana wavo Tawanda (35).

Mushure mekunetsana, sabhuku ava vanonzi vakazotaurira mudzimai wavo nemwanakomana kuti vakanga vave kumboenda kunzvimbo yemabhizimisi kuChirasavana.

Pavakabva pamba, sabhuku ava vanonzi vainge vakapfeka shangu dzematenesi eruvara ruchena nemuto wenyemba, tirauzi rekodhoro, sikipa tsvuku nebhachi reyellow.

Pamazuva akatevedzana anoti musi wa30 na31 Chikunguru, murume uyu anonzi haana kudzoka kumba zvakazoita kuti mudzimai wacho atume mwanakomana wavo Tawanda kunovatarisa kumba kweshamwarikadzi yavo kubhuku raChibaya riri kwakare kwaSeke uko vakanoshaikwa.

Insp Mwanza vanoti mudzimai uyu nemwanakomana wake vakazoenda kumapurisa ekwaGombe kunomhan’ara kuti vashaya munhu.

Mapurisa neruzhinji vatakazotanga kutsvaga murume uyu asi ndokumushaya.

Mushure memazuva, Pauline Tigere akazowana mutumbi waVaPeter Tigere wakavigwa muchikomba chisina kudzika chinhambwe chingaita mamita zana kubva pamba pavo.

Insp Mwanza vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa apo vakanoongorora mutumbi uyo vakawana wakafushirwa nevhu shoma nemashizha pamusoro.

Mutumbi uyu unonzi waiva wakatsemurwa deheny’a remusoro nepamusoro peziso rekuruboshwe uye wakazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kuti unoongororwa.

Mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi, pakazobuda mashoko ekuti Samukute aienda kumuporofita wechechi yeJohane Masowe uko aida kubatsirwa achibuda pachena kuti ndiye akauraya murume wake nekuda kweshanje.

“Svondo rakapera, mapurisa akazowana runyerekupe rwekuti amai ava vainge vaenda kumasowe kwaSabhuku Hwiridza ikoko kwaSeke uko vaireurura kuti vakaponda murume wavo. Matikitivha akabvunzurudza muporofita aivabatsira akataura kuti akanga ashanyirwa nemudzimai uyu kaviri achida rubatsiro rwake kusvikira akazouya kumasowe.

“Kubva pekutanga, zvinoratidza kuti amai ava vairasisa vamwe vanhu vachiita sekunge vaisaziva kune murume wavo senzira yekunzvenga mhosva,” vanodaro Insp Mwanza.

Samukute anonzi akazoenda akanorara kumasowe uko panguva yekunamatirwa akazodura kuti akaponda murume wake uyu.

“Nekuda kwemashoko aya, mapurisa edu akaenda pasowe iri ndokunosunga amai ava vari pamunyengetero nevamwe vachida kubatsirwa pane zvaivanetsa. Pavakasungwa, amai ava vakabvuma kuti ndivo vakaponda murume wavo nekuda kwemirizhonga yemumba,” vanodaro Insp Mwanza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>