Akoniwa isu tinodzinga: ZC

13 Mar, 2024 - 13:03 0 Views
Akoniwa isu tinodzinga: ZC Givemore Makoni

Kwayedza

Abel Ndooka

MANAGING Director weZimbabwe Cricket – Givemore Makoni – anoti sangano ravo rikaona kuti murairidzi anenge achishanda kurairidza zvikwata zvavo haasi kukwanisa kuzvitungamira kuhwina, havatye kutsvaga mumwe anoziva basa rake.

Zvichitevera kusiya basa kwakaita Hamilton Masakadza – uyo aive Director of Cricket kuZC svondo radarika – Makoni anoti seZC vakatambira kusiya basa kwakaita Masakadza ndokuti vatove mushishi kutsvaga mumwe anomutsiva.

Kusiya basa kwaMasakadza kunoteverawo kusiya basa kwaDave Hougton uyo airairidza chikwata chemaChevrons pamwe chete naProsper Utseya uyo airaridza chikwata chenyika chemaUnder-19.

Kutaura kuno ZC iri pakati pekutsvaga varairidza vatsva vanotsiva Houghton naUtseya.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Makoni akati kune shanduko huru iri kuitika kuZC iyo vanotarisira kuti ichabatsira zvikuru kusimudza mutambo uyu munyika.

“Pose patinogadza varairidzi tinomuzivisa zvatinotarisira kubva kwaari iye otiudza kuti anozvigona here kana kuti kwete. Naizvozvo kubva kwakaita Houghton oga akataura kuti muvatambi mave kuda rimwe izwi izvo isu toga takazviona uye tiri pakati pekutsvaga rimwe izwi.

“Takange takundwa neUganda paakasiya basa Houghton, izvo zvakazoitawo zvekare kuti Masakadza asiyewo basa svondo radarika.

“Saka pave kuuya shanduko iyo tiri kutarisira kuti ichabatsira kusimudza cricket munyika zvikwata zvedu zvigotanga kukwikwidza zvemhando yepamusoro.

“Zvakafanana kunyangwe makondirakiti atinopa ivo varairidzi ava ndeayo anotaura kuti kana akakundikana mubasa rake haana chekumirira, saka tiri kutsvaga varairidzi vekuti oga anenge achiziva kuti akaita zvekutamba, basa rinogona kungopera kana akatadza kubata zvatinenge tati agobata nechikwata chake,” akadaro.

Chevrons

Apo ZC iri pakati pekutsvaga varairidzi vatsva, Makoni anoti vari kuzvipa nguva yekutsvaga varairidzi nekuongorora varairidzi vakasiyana nekuti vari kuda kutsvaga varairidzi vepamusoro vanoziva basa ravo.

“Iye zvino tiri kuzvipa nguva yedu kutsvaga varairidzi vatsva pamwe chete nevatungamiri vezvinzvimbo zvakasiyana nekuti tiri kuda varairidzi vanoziva zvavanoita.

“Tiri kuda varairidzi vanouya vachiziva zvavanoita uye vachiziva zvekare kuti basa iri ihombe, kana ukatadza kushanda nemazvo tinotsvaga vamwe vanotungamira zvikwata zvedu kusvika zvave kukwikwidza kusvika pamusoro chaipo,” anodaro Makoni.

Share This:

Sponsored Links