Alan Pardew otsigirwa kuti azorairidza England

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

ALAN Pardew akatsigirwa kuti azozadzikisa chishuviro chake chekurairidza England rimwe remazuva. Murairidzi weNewcastle, John Carver, akashanda ari pasi paPardew kwemakore mana kuSt James’ Park uye anoziva kuti muchinda uyu anogona kutungamira maThree lions.

Shasha iyi (53) yakasiya basa kumaMagpies muna Zvita uye yakwanisa kuhwina mitambo mina kubva pamishanu yayarairidza Crystal Palace.

Pardew – uyo anoshuvira kuzorairidza England – achasangana nemurume akamutsiva basa kuUnited, anomutsigira zvakare kuti azorairidza chikwata chavo chenyika.

“Alan anogona chaizvo kuzorairidza England nekuti ane ruzivo nebasa iri,” akadaro Carver.

“Maneja weEngland anoshoropodzwa zvakawanda neveruzhinji. Panenge pane basa guru rekubata asi anogona kuzvigadzirisa”.

Akawedzera, “Ini, Andy Woodman naSteve Stone taigara tichiseka nezvazvo, taiti, ‘Unofunga kuti achatitakura kuenda nesu kunorairidza England here?”

“Asi aive akazvipira mubasa rake kuno uye basa raakabata iguru rinoyemurwa”.

Pardew akapihwa mibairo weLMA newePremier League manager of the year mushure mekunge atungamira Newcastle ikapedza iri pechina muligi mugore ra2012.

Uye Carver akati, “Tinotaura dzimwe dzenguva pamusoro pemashandiro aunofanirwa kuita kuchikwata chino, tese tinoziva kuti hatitenge vatambi nemamiriyoni akawanda.

“Asi akasvika pane chikwata chiripo akashanda nacho zvakasimba uye akachiruka zvakasimba, mwaka watakapedza tiri pechishanu muligi zvakadadisa. Munhabvu yemakore ano takahwina zvakawanda.

“Ndinofunga kuti kushoropodzwa kwaaitwa kwange kwakanyanya zvikuru dzimwe dzenguva.

‘‘Asi panguva iya ye(Sack Pardew.com) hapana kwaaienda regai ndikuudzei. Ange akasimba semombe chaiyo.

“Kushinga kwake kwakabatsira ini, Steve Stone pamwe nevamwe vose varairidzi vatinoshanda navo. Aive mutangamiri.

‘‘Zvakazongoitikawo kuti akazowana chimwe chikwata chaimuda izvo zvakazomutuma kuti aende.

‘‘Asi aida kuramba ari kuno”. — Daily Mail Online

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>