Uncategorized

AMAI MUCHAFA RINHI: MWANA

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe mukadzi akati vana vake vanomushuvira rufu sezvo vachigara vachimubvunza kuti achafa rinhi.

Margaret Mahachi akaendesa mwana wake Kudzanai Mahachi kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

“Mwana wangu anogara achindituka nekuda kundirwisa pamba pangu. Izvi anozviitira kuti ini nevazukuru vangu tibve pamba apa nekuti anoti imba ndeyababa vake.

“Anouya pakati pehusiku achigogodza gonhi achibvunza zvinhu zvisina musoro achiti anoda gwaro rekuberekwa kwake asi masikati ose tinenge taswera tose pamba,” akadaro Margaret.

Akati achapedzisira abva zvake pamba apa nekuti Kudzanai anogara achibvunzana nevakoma vake kuti iye Margaret achafa rinhi.

“Ini ndichatobva zvangu pamusha apa ndiende nevazukuru vangu nekuti akangodhakwa bedzi anouya achiita ruzha pamba zvekuti tinototadza kurara zvakanaka uye kana achitaura nevakoma vake vanenge vachitondibvunza kuti ndichafa rinhi kuti vaone kuuya kuzogara pamba pangu,” akadaro.

Kudzanai akaudza dare kuti amai vake ndivo vanotomushungurudza.

“Amai vangu ndivo vanotondishungurudza, vakangoona hama dzababa dzasvika pamba vanotanga kungopopota zvekuti vanototsvaga mhosva vonomhan’ara kumapurisa. Vanotipomera kuti tinoda kuvadzinga pamba, hatina basa nemusha wavo isu vanonyepa.

‘‘Ndivo vanopopota kana zvavo zvakakwidza vachiunganirwa nevanhu kana vatanga kutituka,” akadaro.

Mutongi Babra Mateko akapa Margaret gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>