Uncategorized

Amai vapfuhwira mwanakomana

02 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Amai vapfuhwira mwanakomana Jinda raMambo Saunyama rakabata bhodhoro remupfuhwira iro rakaburitswa seumboo mudare.

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

CHEMBERE yekwaMambo Saunyama kuNyanga yekubatwa nemhosva yekupa muroora mupfuhwira wekuti ashandisire murume wake yakaripiswa mombe nhatu idzo dzinofanirwa kupihwa vabereki vemuroora uyu.

Mbuya Martha Madzira, avo vane makore 60 okuberekwa, vakaudza Mambo Saunyama paitongwa nyaya yavo kuti vakapa Violet Gumbo mushonga wemupfuhwira kuti asimbise rudo nemwanakomana wavo, Tendai Jazi.

Mupfuhwira uyu wakaburitswa mudare iri uye unosanganisira bhodhoro remafuta ekuzora nechipenga chekumberi chechipfeko chemukati chaViolet.

“Vakati ndaifanira kucheka chipenga chekumberi chechipfeko changu chemukati ndochiisa mubhodhoro risina chinhu. Ndakanzi ndishandise mafuta acho kuzora kumeso kwangu mangwanani nemanheru oga oga pasina kukundikana,” anodaro Violet.

Mbuya Madzira havarambe kuti ndivo vakapa muroora wavo mupfuhwira uyu, vachiti chaive chishuwo chavo kuona wanano yemwanakomana wavo naViolet ichisimba.

Vanotiwo vakashandisira mupfuhwira mumwe chete kumurume wavo, Sekuru Petros Jazi, vachiti musharukwa uyu anozviisa pasi pavo uye nekuterera zvavanotaura nguva dzose.

“Murume wangu akanga akaoma musoro. Patakaroorana aiita sezvaiitwa nemwanakomana wake (Tendai). Haanditeerera kana zvichemo zvangu zvose zvekuti wananano yedu ipfumbire. Zvisinei, zvose zvakasanduka pandakaziva nezvemushonga werudo uyu.

“Kubva pandakamupa mupfuhwira uyu, ari kuzviisa pasi pangu,” vanodaro Mbuya Madzira.

Pavaitaura nyaya iyi, Sekuru Jazi vainge vachinyatsoteerera.
Zvisinei, Sekuru Jazi vakazosimuka ndokukumbira dare kuti rinzwire tsitsi mudzimai wavo.

“Muregererei, chaaida ndechekuti mwanakomana nemuroora wake vagare zvakanaka. Mudzimai wangu munhu akanaka uye haafanirwe kurangwa,” vanodaro Sekuru Jazi.

Mbuya Madzira vanotsanangura mwanakomana wavo Tendai semunhu wemhirizhonga uye anoshungurudza mukadzi wake.

“Haateerere mudzimai wake uye izvi zvinondirwadza zvikuru. Pavanakomana vangu vose, ndiye ega ari kushungurudza mukadzi wake. Nekuda kweizvozvo, havana budiriro inobatika muupenyua hwavo. Ndaiziva kuti mupfuhwira wacho waizoita kuti aone chiedza sezvandakaita kuna baba vake,” vanodaro.

Tendai aivepo mudare umu uye akaramba anyerere paitongwa nyaya iyi.

Zvakabuda mudare iri kuti nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge mukoma waViolet, Charity, arota Mbuya Madzira vachimupa bhodhoro risinganzwisisike.

“Pandakarota hope idzi, ndakamhanyira kumba kwaViolet mangwanani akatevera ndokumuudza nezvadzo. Ndakamuti aifanira kungwarira bhodhoro raakanga apihwa kana kuti aizozvidemba, ndipo paakazobuda pachena achitaura zvakaitika nezuro wacho,” anodaro Charity.

Kunyange zvazvo Mbuya Madzira vakasimbirira vachiti mupfuhwira uwu waive nechinangwa chekusimbaradza wanano yemwanakomana wavo, nyanzvi dzezvemweya dzaive mudare iri dzinoti vaive nedzimwe pfungwa dzekukanganisa wanano yemuroora wavo.

“Kunyange zvazvo mishonga yekusimbisa rudo yagara ichiiswa muchikafu chemurume pachivanhu, iyi nyaya yechipfeko chemukati haisati yambonzwikwa nezvayo.

“Pane chikonzero chakashata chenyaya iyi. Pamwe unoda kubvisa muroora wako pamurume wake. Ucharangwa nekuda kweizvi,” vanodaro Mambo Saunyama.

Asi Mbuya Madzira vanosimbisisa vachiti: “Chipfeko chemukati chaifanirwa kuita kuti murume wake amuone samambokadzi wemwoyo wake. Aifanirawo kuzora mafuta aya kumeso kaviri pazuva nokuda kwechikonzero ichocho. Hapana chakaipa pane izvi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>