Uncategorized

Amai voparika baba nemwana

10 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Amai voparika baba nemwana

Kwayedza

‘Hongu, taidanana naTapera’

‘Ndiye nyakundikanda shoko’

RUDO pakati pemwanakomana naamai vake rwakapisa zvekusvika pakuti mwana uyu anobvisa rimwe roora kumadzisekuru kwaberekwa amai ava asi baba vake varipo, vachitogara vose mumba mumwe chete.Nyaya iri iri kupisa kudzimba dzekambani yeSharlotte Flowers, kuEpworth, muHarare, uko kune mwanakomana akatorera baba chibayamoyo chavo, vanova amai vake, ndokuramba vachigara vose pamba pamwe chete, asi amai vave kuwanzira rudo kumwana, baba vachitoziva.

Mumba mevatatu ava range rangova bopoto, dzimwe nguva amai nemwanakomana uyu vachimbobatsirana kurwisa baba pavainge vada kusimudza musoro.

Zvinonzi pane imwe nguva baba ava pavakapotsa vazviuraya nekuzvisungirira nekuda kwenyaya iyi.

Mwanakomana uyu akashaya svondo rapera achisiya mudiwa wake — amai — ava mumawoko ababa.

Zvisinei nezvose izvi, baba vari kuti mudzimai wavo vanomudisisisa.

Tapera Kasunhu (19), akashaya nemusi weMugovera wadarika mushure mekurwara. Zvinonzi mukomana uyu anga ashungurudza baba vake, Evas Kasunhu (43), kusvika pekupedzisira nekuvatorera mudzimai wavo.

Mushakabvu Tapera Kasunhu

Mushakabvu Tapera Kasunhu

Tapera mwana waEvas Kasunhu wemudzimai waakarambana naye kare, uyo anonziwo akashaika.

Mukadzi wekuzoroorwa nababa vake, avo vanonzi vakamubvisira roora, ndiye ange opengesana murudo naTapera. Pachivanhu, vaviri ava ndiamai nemwana.

Mukomana uyu anonzi akatanga kudanana naamai vake, Dadirai Zimbulani (34), muna 2014 apo vaigara panhamba 59B mukomboni iri kuEpworth.

Nyaya iyi yakatsinhirwa naKasunhu, Dadirai pamwe nevagari venzvimbo iyi.

Izvi zvinonzi zvakaitika mhuri iyi ichigara pamba pamwe chete apo Kasunhu aipota achienda kubasa, Tapera naamai vake vachiwana mukana wekusara vachipisa rudo.

Tapera anonzi akatozosvikira pakuenda kumba kwevabereki vaDadirai, uko akanobvisa $200 semari yekuroora, zvisinei nekuti baba vake vange vakaroorawo mukadzi mumwe chete uyu. Asi vabereki vemukadzi uyu vari kuti havana kutambira pfuma yemuzukuru uyu.

Pakuvigwa kwemutumbi waTapera nemusi weSvondo wadarika kumakuva ekupurazi rekwaDangwesi, munzvimbo imwe chete iyi, zvinonzi pakaitika bongozozo apo amai vaDadirai nehanzvadzi dzake pamwe nasahwira wavo vakadzingwa parufu urwu vakanorara pamba pemuvakidzani vachinzi ndivo vaitadza kuraira mwanasikana wavo kusvikira pakuti adanane nababa nemwana wavo.

Kasunhu anotsinhira kuti akatorerwa mukadzi nemwanakomana wake.

“Inyaya iri pachena, mudzimai wangu aidanana nemwana wangu mukuru Tapera. Ndakatanga ndichingonzwa semakuhwa dakara mwana uyu akazondidurira kuti anodanana naamai vake.

“Ini ndanga ndisisina rugare. Mudzimai wangu anga ave kuda mwana kudarika ini, ndisisabikirwe kudya kana kuwachirwa mbatya zvadzo asi zvose zvave kuitirwa mwana wangu ndakatarisa.

“Ndairohwa nemwana uyu achindituka achiti handisi baba vake,” anodaro Kasunhu.

Murume uyu anoti amai vaTapera vakangoberekwa iye oga ndokushaika iye ndokuzoroora mumwe mukadzi ainzi Tracy Masawi uyo akashaika zvakare.

“Tanga tichiparikwa ini nemwanakomana wangu naamai ava, zvisinei kuti ini ndanga ndisisina dhoo. Tapera ndiye anga ava pa‘top’ pakudiwa ini vairamba.

“Mwana uyu aisiirwa sadza ini ndisina, aiwachirwa ini ndichiwacha mbatya dzangu ndoga. Vakatanga kudanana mugore ra2014.

Asi parufu rwake (Tapera) ndini ndakaita zvose, hazvina mhosva kuti akanditadzira zvikuru,” anodaro.

Dadirai ane vana vaviri avo vasingazivikanwe kuti ndevaKasunhu here kana kuti vaTapera.

“Semunhu ndinoita basa rehugarden boy, ndaingoti ndikabuda, mudzimai nemwana vanonzi vaibva vasara vachisasana apo vaitoonekwa vachienda kudhamu nekusango uko, nekuno kumba. Vakatombotiza vakaenda kunoroja kuGreen Valley uko vaigara vose.”

Kasunhu anoti zvisinei nezvakaitika, anoda mudzimai wake zvikuru uye anorwadziwa nerufu rwemwana wake.

Kasunhu anoti akaroorana naDadirai mugore ra2006.

Dadirai, uyo akanowanikwa neKwayedza ari kumba kwevabereki mekare muEpworth, anobvuma kuti aidanana naTapera nababa vacho.

“Ichokwadi, taidanana naTapera. Asi ndiye akanditi akanga ataurirwa nababa kuti ndidanane naye achiti ivo baba vakamuti havasisina simba rerudo saka vaisada kuti ini ndizodanana nevamwe varume vekunze. Asi zvakandinetsa nekuti baba vacho simba vaingova naro,” anodaro Dadirai.

Anoenderera mberi achiti, “Vana vose ava ndevababa, kwete Tapera.”

Mashoko aDadirai anotsinhirwa nasahwira waTapera, Kudakwashe Kondwelani (28), achiti akamboedza kutsiura shamwari yake kuti isiyane nekudanana naamai vake asi zvakakona.

“Tapera akandiudza kuti baba vake ndivo vakamuti adanane naamai nekuti vakanga vasisina simba izvo zvaaiti vaisada kuti mumba mavo mupindwe nemunhu wekunze,” anodaro.

Uyuwo Kasunhu anoramba kuti akaudza Tapera kuti akange asisina simba.

Murume uyu anoti iye nemudzimai wake vose varwere nekudaro vanoda kuchengetana kusvikira vafa.

Mai Christine Vemba (50) vanove amai vaDadirai, vanoti vaisaziva kuti mwanasikana wavo aiparika murume wake nemwanakomana.

“Handina zvandinoziva panyaya iyi. Takatoinzwira parufu rwaTapera apo ndaitukwa tose nevana vangu ndikada kubva nehusiku. Iye Dadirai ndiye wamungatobvunza, asi zvekuti Tapera akabvisa mari yeroora $200 hatina kuiona,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSpencer Vemba (25) naBonnie Vemba (27), avo vanove hanzvadzi dzaDadirai, vachiti vange vasina ruzivo nechipari chake chine musiyano ichi.

Spencer Vemba

Spencer Vemba

“Nyaya yatinoramba ndeyekuti takatambira $200 kubva kuna Tapera. Aiuya pano tichimutora semuzukuru chete. Baba havapo (VaNoah Vemba), vangadai vakutaurirai zvimwe chete,” anodaro Spencer.

VaBatsirai Mukwani (38) vanoti vakambocheka tambo apo Kasunhu aida kuzvisungirira mushure mekuwanikidza mwanakomana wake Tapera achishinha naamai vake Dadirai.“Murume uyu takasimba kumubata apo takadambura waya iyo aida kuzvisungirira nayo awanikidza mwana wake naamai vake,” vanodaro. Mai Mercy Diamond (39) vanoti Tapera naDadirai vaienda kumba kwavo vachidanana zvepachena kwete zvekuhwanda.

“Amai ava naTapera vakauya kumba kwangu vachiti Tapera aiva abhadhara $200 kuvabereki vavo kuStop Over, muno muEpworth yekuvaroora. Tapera ange ava kutozviti ndiye muridzi wemukadzi, kwete baba vake,” vanodaro.

Sahwira wemhuri yekwaKasunhu, Barbra Matanga (39), anoti zviri pachena kuti Tapera aidanana naamai vake.

Barbra Matanga

Barbra Matanga

VaGeorge Jacha (48), vanove sahwira zvakare, vanoti inyaya yakazara munzvimbo yavo, yekuti Tapera aidanana naamai vake.

“Tapera aida kugara achirohwa neveruzhinji nenyaya yekudanana naamai iyi. Amai ava vanonzi vaitaurira vanhu kuti murume wavo anga asisina basa,” vanodaro VaJacha.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>