Uncategorized

‘Anoda kundiurayira imba’

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MUMWE samusha akaendeswa kudare nemukadzi wake achipomerwa mhosva yekumushungurudza achiti anoda kumuuraya kuitira kuti azokwanisa kugara nemudzimai wake wechipiri paimba yavakavaka vose.

Esnat Katsvairo akamhan’arira murume wake, Pasipanodya Pamusoro, kuHarare Civil Court achiti anogara achirohwa nekutukwa pamberi pevana. Katsvairo akaudza dare kuti: “Ndanzwa nekutukwa nekurohwa nababa ava vachiti vanoda kundiuraya nechikonzero chekuti vanoda kuunza mudzimai wavo wechipiri asi imba yacho takaivaka tose kunyangwe zvazvo ini vasina kubvisa kana kobiri kumba kwedu.

“Chava kunyanya kundirwadza ndechekuti ava kuuya achifurufusha maroja pamba nechikonzero chekuti ndakaramba kumupa mari yavanobhadhara nekuti ndipo pandinowana mari yekuchengeta vana, iye haana kana chiyamuro chaanoita. Anouya achirovera magonhi achitukirira zvekuti mamwe maroja ava kuti anoda kubva pamba.”

Pamusoro akapikisa mashoko aitaurwa naKatsvairo achiti ainyepera dare.

“Nyaya iripo ndeyekuti amai ava havandipe kana kobiri kana vachinge vapihwa mari nemaroja saka ndakavabvunza vakapopota zvoita sekunge ndanetsana navo. Panyaya yekuchengeta vana, dambudziko nderekuti handina chandinogona kuronga naye nekuti anongopopota chinova chimwe chikonzero ndakabva pamba,” akadaro Pamusoro.

Akati aive asingade kugara pamba apa nemukadzi wake wechipiri asi kuti akatotsvaga imwe sitendi yekuvaka imba.

“Ndinoda kujekesera dare zvekare kuti handisi kuda kuuya kuzogara pamba apa nemukadzi wangu wechipiri nekuti ndakatotsvaga imwe sitendi yandakavakira munhu iyeye.

“Chandinongoda kupihwa mukanawo wekuuya pamba pangu ndichiita zvandinoita.

“Izvozvi ndine mimwe midziyo yandiri kushaya uye ndakapopoterwa pandakazvibvunza,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa gwaro redziviriro kuna Katsvairo ndokuti vaviri ava vagadzirise nyaya dzavo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>