Uncategorized

‘Anodira mukaka pamubhedha wangu’ . . . ‘Inhema, ndakakubata uine chikomba’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
SAMUSHA vekuendeswa kudare nemudzimai wake achipomerwa kudira mukaka pamubhedha waanorara anoti mukadzi uyu ave kuda kunzvenga nyaya yekuti akamubata aine chikomba mumba mavo.

Portia Mudengezerwa akaendesa Ranganai Lozani kuHarare Civil Court achiti: “Ndauya kudare nekuti rugare handichina zvichikonzerwa nemurume wamunoona amire apa uyu. Anogara achidira mukaka pamubhedha wangu, handizive kuti anozviitirei.

“Ishe wangu, izvozvi ndikaona zuva ndototenda Mwari nekuti anogara nebanga muhomwe. Pose paanondiona anondisikiza nebanga achiti, ‘Ndichakuendesa chete, handina guva kumberi kwangu.’ Ndosaka ndapotera kudare kuno.

“Zviri zvekurohwa handichatotaure, anongondirova paadira nechaanenge abata panguva iyoyo.”

Lozani akaudza dare kuti haana dambudziko kana dare rikapa Mudengezerwa gwaro redziviriro.

“Ini handina dambudziko kana dare rikapa Mudengezerwa gwaro redziviriro asi ndinopokana nezvose zvaataura ndichiti kunyepa.

“Nyaya yakaitika ndeyekuti ndakamubata aine chikomba mumba mangu ndikamubvunza kuti ndiani wako waunorara naye pamubhedha wangu. Akangobuda mumba uye paakazodzoka ndipo pandakaona akabata masamanisi ekuti ndaidiwa kuno kudare. Zvekuti ndakarova munhu kana kumutyisidzira nebanga inhema dzoga-dzoga.

“Zvekuti ndinodira mukaka pamubhedha wake ndiri kutozvinzwirawo muno mudare,” akadaro Lozani.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mudengezerwa gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanirwa kugadzirisana kusawirirana kwavo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>