Anogara nechikomba murume wake aripo

25 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekuunzirwa chikomba mumba nemukadzi wake, icho anotogara nacho iye aripo, akapotera kudare achida achiti aoneswa chitsvuku nekushungurudzwa.

Stephen Mungwende akamhan’arira Miriam Mungwende kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

Stephen akaudza mutongi Barbra Mateko kuti: “Changamire, ndinokumbirawo gwaro redziviriro nekuti ndave kushungurudzwa nekuda kwekuti mukadzi wangu anouya kuzogara nechikomba muimba yedu yatakavaka semukadzi nemurume. Angogara achiuya kubasa kwangu achida kundidzingisa basa sezvo achienda kuvakuru vekambani achiti ndinogara ndichimurova. Saka ndoda kuti asatombosvika zvake pabasa pangu nekuti handichatozivi kuti chimwe chaanogona kuita chii.”

Miriam akapokana nezvakange zvataurwa nemurume wake achiti: “Mumba medu munogarorwiwa. Chiri kusakisa kuti murume uyu auye achikumbira gwaro iri ndechekuti ndinogara ndichimusungisa nekuda kwekugara achindishungurudza.

“Handigare ndichienda kubasa kwake sezvaari kutaura ndichida kumudzingisa basa asi kuti ndakaenda kamwe chete ndichida kuti atorerwe pfuti yaanayo yaanoda kundishandisira sezvaanogara achitaura kuti hapana chaanomboitwa kunyangwe ndikanotaura kupi zvako.

“Pandakatora gwaro redziviriro mudare rino ndipo akafunga kuti atorewo gwaro kuitira kuti azorishandisa pakundidzvinyirira. Ndakamborohwa nemurume uyu ndikanorapwa muIntensive Care kuParirenyatwa (Group of Hospitals). Ndave kutotya kuti munhu anokwanisa kundirova zvakadaro anogona kutondipfuura zvakazoita ndiende kubasa kwake. Zvechikomba changu hazvifanire kumurwadza nekuti iye pachezvake haachandida asi zvinotondishamisa kuti anouya achindirova,” akadaro.

Stephen akabva amugamha nehasha achiti vakagara vose kwemakore makumi maviri uye anomupomera mhosva yekugara nepfuti nechinangwa chekuti afire mutirongo.

“Handisati ndakamboona mukadzi asingatende ini. Makore makumi maviri andagara naye ndozofunga kuda kumuuraya nhasi kuti zvaita sei?

‘‘Kunenerwa mhosva zvakadai kwakanyanya uye kwandirwadza. Zvandinoziva zvandakasungirwa ndezvekumurova uye kubva mugore ra2013 handina kumbopindura mameseji ake nhasi, ndipo ndonzi ndinoda kumupfura, uku kubatirirwa zvisingaite,” akadaro.

Mutongi Mateko akati nyaya iyi yaizofanirwa kudzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey