Uncategorized

Anogara nemusoro wemunhu

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Anogara nemusoro wemunhu Hoseah Muzaniwetu ari mudare raMambo Zimunya

Kwayedza

…‘Ini ndaiti igudo’ … ‘Mushonga wedivisi’ … Waigariswa mumunda

Nyore Madzianike
VANHU vekwaMarange — avo vakanogariswa patsva kuArda Transau, mudunhu reManicaland — svondo rapera vakasara vasina nechekutaura zvichitevera nyaya yemumwe wavo uyo anga akachengeta dehenya remusoro wemunhu mumunda make kwemakore maviri.

Pane fungidziro huru yekuti nyaya iyi inogona kunge iine chekuita nekupondwa kwemunhu, mitezo yechitunha chake ndokuzoshandiswa nemishonga yekuromba.

Dehenya iri rakaonekwa nomusi weMuvhuro wadarika naBrighton Shinga riri mubindu (garden) rake, ongororo yakaitwa mushure ndokuratidza kuti rainge rabva mumunda waHerbert Mukura uri kunzvimbo yeTenzi Mavhima.

Vamwe vanhu vanofungidzira kuti dehenya iri rinoshandiswa kutandidzira makudo anouya kuminda zvose nekuita kuti murimi akohwe pakuru — sedivisi rekurima.

Vamwewo vane pfungwa yekuti nderemunhu akapondwa nevanoita zvemishonga zvichitevera kutsakatika kwevanhu vatatu vemunharaunda iyi mumakore adarika.

Mubatsiri waMambo Zimunya, VaNever Chikunda, vachitaridza dehenya remusoro wemunhu mudare raMambo Zimunya. -Mifananidzo naTinai Nyadzayo

Asi mumwe wevari mudare ramambo nekuda kwenyaya iyi anoti dehenya iri raitombochengeterwa mumuti, umo raigara rakaringidzwa kuchikomo zvichinzi rinotyisidzira mapfeni kuti asapinde mumunda.

Dehenya iri rakatoendeswa kudare kwaMambo Zimunya uko Mukura neaimbova mushandi wake, Hoseah Muzaniwetu, vakashevedzwa kuti vanotsanagura kuti sei rakawanikwa mumunda mavo.

Mukura naMuzaniwetu vakaperekedzwa kudare iri nasabhuku wavo pamwe chete nevamwe vagari venzvimbo iyi avo vanga vakaonawo dehenya iri nyaya iyi isati yaputika.

Vaviri ava vari kubvuma kuti vakaona pamwe nekubata dehenya iri makore maviri adarika.

Vanoti vanofungidzira kuti idehenya remusoro wegudo.

Asi rine zvakawanda zvarakasiyana nedehenya remusoro wegudo.

Herbert Mukura (kurudyi) ari mudare raMambo Zimunya

“Ndakatanga kuuya kwaOdzi muna2015 pandakapinzwa basa naMukura mumwedzi waMbudzi. Ndipo pandakaona dehenya iri apo pandaishanda mumunda make,” anodaro Muzaniwetu.

Achibvunzwa naMambo Zimunya kuti nechikonzero chei vaichengeta dehenya iri kwemakore maviri riri mumunda pasina kurirasira kure uye risingabve panzvimbo imwe chete, Muzaniwetu anongoramba akanyarara.

Anotsanangurira Mambo Zimunya kuti akabva pamba paMukura achienda kunogara pane mumwe munda waainge apihwa, ndipo paakazotanga kunzwa vanhu vave kutaura nezvenyaya yedehenya iri.

“Pandakabva pamusha paMukura pandaishanda, ndakanzwa kuti mumwe mushandi wake ndiye aida kutora dehenya iri kuti aende naro kwatete vake vanova muporofita kuBocha. Ndakanzwa zvakare kuti dehenya iri rakazobviswa mumunda rikanoiswa mumuti weMukwakwa rakatarisa pachikomo chiri pedyo.

“Ndakangonzwazve kuti izvi vaizviitira kutyisa makudo ayo anonetsa muminda yavo,” anodaro Muzaniwetu.

Dehenya remunhu riri mudare raMambo Zimunya

Muzaniwetu anoti akambosangana nedzimudzangara kana kuti goritoto kaviri kose iro anofungira kuti rine chekuita nedehenya iri.

“Ndakambosangana negoritoto kaviri kose saka ndine fungidziro yekuti rine chekuita nedehenya iri uye panguva iyi ndakanga ndichigara pamba paMukura,” anodaro.

Uyuwo Mukura anoti akangozoziva nezvenyaya yedehenya iri mumwedzi waNdira gore rapera uye aifungidzira kuti ndere bveni.

“Pandakaona dehenya iri, ndakashevedza Muzaniwetu achibva angoseka achiti idehenya regudo. Ini handina kana kumboribata.

“Ndinogara mudhorobha zvekuti ndinoshanyira nzvimbo yeArda Transau apo neapo. Pandaiendako, ndipo pandaiona dehenya iri riri pamuganhu wemunda wangu asi iko zvino ranga rabviswa panzvimbo.

“Nomusi weMuvhuro wadarika, ndipo pandakashamisika kunzwa kuti idenya remusoro wemunhu,” anodaro Mukura.

Anoti akaudza madzisabhuku enzvimbo iyi vachibva vaenda nedehenya iri kwaMambo Zimunya, nyaya iyi ndokuzomhan’arwa kumapurisa ekwaOdzi uko vakanobvunzurudzwa.

Mambo Zimunya ndivo vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Tinofanira kushanda nemapurisa munyaya iyi, mushure mezvo tozoona kuti ingagadziriswe sei pachivanhu. Kune nyaya dzakawanda dzevanhu vanoshandisa madehenya kutyisidzira makudo muminda yavo, zvikuru munzvimbo dzakaita seChitakatira.

“Zvisinei, tinonzwa kuti kune vanhu vatatu vakangoshaikwa kana kuti vakanyangarika zvisina tsarukano munzvimbo yeArda Transau,” vanodaro Mambo Zimunya.

Muzaniwetu naMukura vakaendeswa kumapurisa nyaya iyi ichiferefetwa.

Vachibvunzwa pasvika kuferefetwa kwenyaya iyi, mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kwavari nemapurisa ekwaOdzi.

“Isu sevatauriri vemapurisa kuManicaland, hatisati tagashira mashoko ene chekuita nenyaya yakadaro. Regai titaure nemapurisa edu ari ikoko tigonzwa kuti zvizere,” vanodaro Asst Insp Chananda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>