Anogocha mapiritsi pamoto kuti mukadzi abate mimba

23 Jan, 2024 - 12:01 0 Views
Anogocha mapiritsi pamoto kuti mukadzi abate mimba Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MUDZIMAI wemubhuku raGukwe, kuDomboshava, anoti murume wake akadziisa pamoto mapiritsi ake ekudzivirira pamuviri zvikaita kuti ashaye simba ndokubata mimba uye anomurarisa panze achida kuti abve pamba pavo.

Desire Nzanganda audza dare reHarare Court kuti murume wake, Christopher Shumba, haasi kuriritira mhuri yavo uye ari kumushungurudza zvakanyanya nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Baba ava vanondirova nekundituka, vanotukawo vabereki vangu nemazwi asingaite pedzezvo vanondirarisa panze vachiti ndibve pamba,” anodaro Nzanganda.

“Akadziisa mapiritsi angu ekudzivirira mimba pamoto kuti ndibate mimba, kutaura kuno ndine nhumbu ine mwedzi mitatu. Akatora vana vangu akavaendesa kuna amai vake achiti vari kuenda kuhoridhe, ndakazama kuti vana vangu vadzoke asi vari kuramba navo.”

Achipawo divi rake, Shumba anoti haana dambudziko nekuti mudzimai wake apihwe gwaro redziviriro kunyangwe zvazvo achipokana nezvimwe zvaataura achiti ndezvekunyepa.

Mutongi Tamara Chibindi apa Nzanganda gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey