‘Anondihwandira manheru, ondidzingirira murima’

23 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
‘Anondihwandira manheru, ondidzingirira murima’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE mudzimai anoti ave kutyira upenyu hwake sezvo aimbove murume wake ari kumugarira manheru murima apo anenge achibva kuchikoro, otanga kumudzingirira kusvika kumba kwevabereki vake.

Sharlene Sengudzwa audza dare reHarare Civil Court kuti akarambana naEnerst Nyawani asi ari kumuteverera kwose kwaanoenda.

“Anondigarira ndichibva kuchikoro, mumwe musi akandimhanyisa kusvika pamba chaipo achiti aida kubvunza kuti sei ndichimuramba. Pamwe pacho anoti dzosera zvose zvandakakutengera kana mari chaiyo anoti dzosa, imwe ndinodzosa uye imwe ndongonyarara nekuti ndinenge ndisina,” anodaro Sengudzwa.

“Ndinokumbirawo asasvike pamba pandinogara kana kuisa mashoko munharembozha yangu uye aregedze kuchaira mukomana wangu nhare nekuti zvava kutokanganisa hukama hwangu nemudiwa wangu.”

Achipawo divi rake, Nyawani anoti haana kurambana naSengudzwa kunyangwe achigara zvake nevabereki vake.

“Masvondo maviri apfuura akandichaira nhare achiti aida kuuya kumba kuzorara, tikaita saizvozvo akadzoka zvake kumba kwavo. Nguva zhinji ndiye anotouya kumba otorara asi chinozondishamisa

anondibhadharisa mari yekuti tisasane,” anodaro Nyawani.

Anoenderera mberi achiti: “Handiendi kumba kwavo ini, ndakapedzisira musi wandaendesa keke remwana rebhavhadhe ndikagumira paghedhi chaipo. Akazonditi ndizopfuura ndichitora chikafu kana chaita ndikaita saizvozvo ndokuoenda nendiro dzacho kumba kwangu.

“Haanzwisisike zvaanoita nekuti ari kuramba kuti titorese mwana gwaro rekuzvarwa achiti haasi mwana wangu asi ndinomupa mari yekuchengeta mwana wacho.”

Mutongi Johanna Mukwesha vakapa Sengudzwa gwaro redziviriro ndokuudza Nyawani kuti arege kumuteverera.

Share This:

Sponsored Links