Antonio ozunza mambure kuBelgium

26 Jan, 2024 - 00:01 0 Views
Antonio ozunza mambure kuBelgium Bill Antonio

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weYellow Red Konibklijke Voetbalclub Mechelen (KV Mechelen) yekuBelgium nemaWarriors – Bill Antonio – svondo radarika akanwisa gobhora rekutanga apo akabatsira chikwata chake kukunda KAA Gent 2-1 mumutambo weBelgian Pro League.

Mumutambo waitambirwa kunhandare yeKAA Gent Arena musha weGent, Antonio akatanga akagara pabhenji ndokuzopinda watambwa maminitsi 75 achitsiva Daam Wonnebald Foulon chizvarwa chekuBelgium apo mutambo wakange uri 1-1.

Foulon ndiye akatanga kunwisa izvo zvakaona KV Mechelen ichitungamira, Julien Ariel De Sart weGent akazonwisawo, Gent ikadzora mutambo uyu ndokuita 1-1.

Mutambo wakazoshanduka maminitsi mashoma Antonio apinda apo akanwisa chibodzwa chakabatsira KV Mechelen kuti ihwine izvo zvakaona chikwata ichi chichigara pechipfumbamwe palogo reBelgian Pro League chine zvibodzwa 25 kubva pamitambo 21 yachatamba.

Aka kaive kekutanga chikwata chaAntonio chichikunda Gent iri pamusha payo izvo chakapedzisira kuita mugore ra2012.

Kubva zvaakaenda kuBelgium muna2022, Antonio akasvika ndokumbotambira chikwata chevechidiki cheMechelen mitambo 33 ndokunwisa ka10.

Matambiro aaita kuchikwata chevadiki kwakaona achishevedzwa kune chevakuru mwaka uno uko akwanisa kutamba mitambo mishanu.

Nerimwe divi, pavamwe vatambi vemaWarriors vari kuEurope, mutambi weNantes – Tino Kadewere – akatamba mutambo wese weCoupe de France apo chikwata chake chakakundwa 1-0 necheLaval icho chinotambira muLigue 2 ndokubva chaburitswa mumutambo uyu.

Kadewere akaenda kuNantes nechikwereti kubva kuOlympique Lyon sezvo ange ari kumashure kwevamwe vanosanganisira Alexandre Lacazette, Mama Balde naErnest Nuamah.

Marshall Munetsi weStade de Reims, uyo ange ave nenguva akakuvara, akadzoka muchikwata chake uye aive akagara pabhenji apo Reims yakaburitswa mumutambo wemukombe weCoupe de France neSochaux.

Mutambo uyu wakange wapera uri mangange 2-2, Reims ikazokundirwa kumapena 5-4.

KuEngland Championship, Brendan Galloway akatamba mutambo wese apo Plymouth Argyle yakakunda Cardiff City iyo inotambirwa naAndy Rinomhota 3-1.

Rinomhota akatangawo mutambo uyu asi akazoburitswa watambwa maminitsi 66 akatsiviwa naJoshua Luke Bowler.

Uyu waive mutambo wechitatu Rinomhota achitambira Cardiff City mwaka uno, kuchiti Galloway uyu waive wechi11 achitambira Plymouth.

Mwaka uchitanga, Galloway ainge akakuvara asi kudzoka kwake akasvika ndokudzorerwa muchikwata chaIan Forster icho chakagara pechi15 palogo chine zvibodzwa 33 kubva pamitambo 28 yachatamba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey