Arsenal yatenga Russo

06 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
Arsenal yatenga Russo Alessia Russo

Kwayedza

MUTAMBI weEngland, Alessia Russo, akaenda kuArsenal achibva kuManchester United pachena.

MaGunners akawana mutambi wavaida uyo anotamba nhabvu yepamusoro uye wavakamborambirwa kutenga apo vaida kumubhadharira mari zhinji £450,000 munaNdira.

Sarina Wiegman akange audza vatambi vake vese vekuEngland kuti vagadzirise remangwana ravo vasati vasimuka kuenda kuAustralia kuWorld Cup svondo rino.

Russo akabva atora mukana uyu kugadzirisa remangwana rake.

“Ndiri kufara chaizvo kuuya kuchikwata chino uye ndakatarisira kutanga kutamba,” anodaro Russo uyo achange achipfeka jezi No 23.

“Ndinoda kuhwina mikombe – sezvinoita munhu wese muchikwata ichi. Ndanonokerwa nekutanga kuzivana nevamwe vandichange ndichitamba navo uye ndinoda kukura semutambi – ndakatarisana nezvikuru, ndave munharaunda itsva.

“Ini ndinofunga kukura kwemutambo wemadzimai kuri kufadza uye kunyanya kuchikwata chakaita seArsenal. Kuzara kwakaita nhandare yavo apo vakatamba neWolfsburg kuEmirates Stadium mwaka wadarika kwakafadza zvikuru kukashamisa, saka ndiri kufara kuti ndave kuchikwata chino.”

Arsenal yakapedza iri pechitatu muWomen’s Super League mwaka wadarika, asi yakasvika musemi-final yeChampions League, ikazokundwa neWolfsburg mutambo uyu wave kunopera.

Jonas Eidevall ari kutarisira kuti Russo achauya kuzobatsira chikwata chake chiende mberi mumwaka wa2023-2024.

“Alessia ndomumwe wevatambi vepamusoro pasi rese uye ane mukana wakakura wekuenderera mberi achisimukira mumutambo uyu,” anodaro murairidzi weArsenal. – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>