Uncategorized

Asungirwa kushungurudza mwana (9)

12 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Asungirwa kushungurudza mwana (9) Insp Ncube

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME ane makore 47 okuberekwa wekuBulawayo akasungwa nemhosva yekuisa chigunwe chake munhengo yakavandika yemwana ane makore mapfumbamwe uyo waanogara naye pamba pamwe chete.

Hama yepedyo, iyo isina kuda kuzivikanwa, inoti murume uyu anoroja pamba panogara mwana uyu.

Anoti pazuva iri, kwaive nemunamato husiki hwose kuchechi inopinda ambuya vemwana uyu nekudaro vakasiya vataurira murume uyu kuti azopote achivaonerawo muzukuru wavo nevamwe vake vachibva vaenda kukereke.

“Pazuva iri, kwave kuma9 husiku, ambuya ava vakasiya vazukuru vavo vachiona terevhizheni ndokuenda kuchechi.

“Mumwe wevana ava mudiki akabatwa nehope achiona terevhizheni nevakoma vake,” anodaro.

Murume uyu anonzi akabva aenda muimba yekutandarira maive nevana ava ndokusimudza mudiki wacho ndokuenda naye muimba yake uko akatanga kumubata-bata ndokuisa chigunwe chake munhengo yake yakavandika.

Mwana uyu anonzi akaridza mhere zvakaita kuti muvakidzani waambuya ava auye kuzoona kuti chii chaiitika.

Anonzi akasvika mwana uyu achiri kuchema uye murume uyu chigunwe chake chichiri munhengo yakavandika yemwana uyu.

Muvakidzani uyu akashamiswa zvikuru nezvaakaona akabva afonera ambuya vemwana uyu kuti vauye kuzotora muzukuru wavo nekuchimbidza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eHillside murume uyu ndokunosungwa.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tinoda kukurudzira vagari vemunharaunda kuti vasasiye vana vavo nevatorwa kana vanhurume sezvo vanenge vachivaisa panjodzi yekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana-siyana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>