Uncategorized

baba vemwana ndevapi?

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
baba vemwana ndevapi?

Kwayedza

— Ruwoko rwavo nerwemwana zvinofanana
— Ndizvo zvakashandiswa kupedza gakava

Liberty Dube naNyore Madzianike —
NZIRA yechivanhu yekuti baba chaivo vemwana vazivikanwe nekuongorora mitsitse iri muchanza chemumawoko emwana neababa inonzi yakabatsira pamakakatanwa aivepo pakati pasekuru nemuzukuru avo vaidanana nemudzimai mumwe chete kuNyatate, kuNyanga.

Sekutaura kwevanhu vechikuru, mitsetse iri muchanza cheruwoko rwemwana mukomana rwekurudyi inofanana neyababa vake uye kana ari musikana inenge yakafanana neyekuruboshwe.

Tsika iyi – iyo inozivikanwa nekuti kuverenga chanza – inoshandiswa zvikuru kuNyanga.

Peter Tsvito Mazarura anogara mubhuku raTsvito svondo rapera akabva padare raMambo Saunyama asisina mutoro mushure mekunge tsika yekuverenga chanza iyi yashandiswa zvikabuda pachena kuti muzukuru wake Nicholas Kufa (46) ndiye baba wemwana ane makore maviri ekuberekwa, uyo ange ari pakati pemakakatanwa ekuda kuziva baba vake chaivo.

Vose varume vaviri ava vaidanana Nyaradzai Dzomba (28) wekubhuku rekwaTsvito.

Nyaradzai Dzomba (kuruboshwe), Nicholas Kufa (pakati) naPeter Tsvito Mazarura

Dzomba aimbova mudzimai wemukoma waMazarura, Shadrick Tsvito, uyo akashaya mugore ra2004.

Kufa, uyo anogara kuWard 36 Makoni North, pakutanga akamboda kuramba kuti anodanana naDzomba apo akamiswa pamberi pedare raMambo Saunyama.

“Handisirini baba vemwana uyu. Handina kumbobvira ndadanana naye kana kurara naye sezvaari kutaura,” anodaro.

Sadunhu Tsvito vakabva vamugama ndokuti Dzomba aburitse gwaro remwana rekuzvarwa kuti zvibude pachena kuti muridzi wemwana waakasunungukira kukiriniki ndiani.

Dzomba anoti akazviita nemawune kuti asazivise baba vemwana uyu apo akasununguka.

Anoti anoda kuti achengetedze hukama hwake hwakanaka nevamwe vemumhuri iyi zvichitevera kufa kwemurume wake.

Zvisinei, anotsinhira kuti anodanana naKufa.

“Aindishanyira kumba kwangu apo anenge achibva kubhawa. Akandipfimba ndikamuda. Aya ndiwo matangiro azvakaita,” anodaro.

Mukugadzirisa nyaya iyi, Mambo Saunyama vakati madzimai echikuru aive padare iri vashandise tsika yekuverenga chanza kuti zvigozivikanwa kuti muridzi wemwana ndiani.

Ongororo yakaitwa muzvanza zvevarume vaviri ava pamwe nechemwana yakaratidza kuti Kufa ndiye muridzi wemwana.

Kufa akaramba achiti haaziriye muridzi wemwana zvisinei nezvakabuda muongororo iyi.

“Handizirini baba vemwana” anodaro.

Mambo Saunyama vakamugamha vachiti Kufa anofanira kutaura chokwadi mudare.

“Wakange usingadanane naye here? Uri kureva kuti hauna kumbobvira warara naye here? Saka uri kuti madzimai echikuru aya ari kukunyepera here kuti ndiwe muridzi wemwana?” vanodaro Mambo Saunyama.

Mambo ava vakazoti vanogona kutora Kufa naDzomba voenda navo kuti vanoongororwa pamwe nemwana uyu kuburikidza nenzira yeDNA vachishandisa mari yavo kana akaramba achiti mwana uyu haazi wake.

Asi vakavayambira kuti kana zvikanobuda kuti Kufa ndiye muridzi wemwana mushure meongororo yeDNA, vaviri ava vachazovadzosera mari yavo yavanenge vashandisa yapetwa kaviri.

Panguva iyi, Kufa akabva abuda pachena achiti aishinha naDzomba izvo zvakaita kuti pazozvarwa mwana uyu.

“Ichokwadi, ndaidanana naye uye takashinha tose,” anodaro Kufa.

Zvisinei nekubvuma kwaakaita, hazvireve kuti haachaendeswa kunoongororwa nenzira yeDNA kuti zvionekwe kuti baba vemwana uyu ndiani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>