Baiwai majekiseni’

12 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Baiwai majekiseni’ Dr Mangwiro

Kwayedza

Mukudzei Chingwere

KUNYANGWE zvazvo majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 achabaiwa kune vanoda, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira vanhu vose vemuZimbabwe kuti vagashire mushonga uyu nedonzvo rekuti vadzivirirwe kubva kudenda iri zvizere.

Zvipatara nemakiriniki zvagara zvichibaiwa vanhu majekiseni ekudzivirira zvirwere zvakasiyana ndizvo zvichashandiswa pakubaiwa kwemajekiseni ekudzivirira Covid-19 uye vashandi vachange vachizowedzerwa zvichienderana nemamiriro akaita zvinhu.

Vachitaura pamusoro pechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni aya, mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti zvichitevera ongororo yezviri kuitika pasi rose uye neyakaitwa nanamazvikokota vezvesainzi munyika muno, bazi ravo riri kukurudzira munhu wose kuti abaiwe majekiseni aya.

“Majekiseni aya achange ari epachena. Achabaiwa kune vanoda asi kurudziro yedu ndeyekuti vanhu ngavabaiwe majekiseni aya kana zvichikwanisika, asi hapana ari kuzomanikidzwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanamazvikokota vedu vezvesanzi vanoti mushonga uyu unobatsira zvakanyanya. Zvakakosha kudzivirira njodzi yatiri kuona nekuda kwechirwere cheCovid-19.”

Zimbabwe yagara iine zvirongwa nechekare zvekubaiwa kwemajekiseni ekudzivirira zvirwere zvinosanganisira nhova uye izvi ndizvo zvichashandiswa pakubaiwa kwemajekiseni eCovid-19.

“Gadziriro dziri kuitwa nechekare ndedzekuti tagara tiine zvirongwa zvekubaiwa kwemajekiseni akadai sekudzivirira nhova. Zvirongwa izvi zvichiripo uye ndizvo zvatichashandisa. Tichaita ongororo yekuona kuti vanhu vane masoja here emumuviri (antibodies) ekurwisa Covid-19 uye nekuona zvakare kuti chii chinozoitika kana vakabaiwa majekiseini aya.

“Tinoda kuvheneka zvakare tione kuti vanenge vasina chirwere ichi panguva iyi here. Vanhu vanofanirwa kuve vakazvipira kutipa ruzivo pamusoro pavo. Zvavanenge vataura zvinochengetedzwa asi zvinotibatsira kana tave kuzovabaya jekiseni repiri sekuti vakanzwa sei patakavabaya rekutanga,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vazivise nyanzvi dzezveutano kana vakanzwa miviri yavo isingaite zvakanaka sekutemwa nemusoro kuitira kuti vazobatsirwa kana vachinge vabaiwa majekiseni aya.

“Tichataura pamusoro penzvimbo dzichazobaiwa vanhu majekiseni aya.”

Dr Mangwiro vanoti mazuva achabaiwa vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 achaziviswa munguva pfupi iri kutevera uye kazhinji anobaiwa ari maviri, achisiyana nemwedzi, kuitira kuti vange vakadzivirirwa zvizere kudenda iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>