Uncategorized

‘. . . baiwai nhomba magitare adzoke’

31 Oct, 2021 - 08:10 0 Views
‘. . . baiwai nhomba  magitare adzoke’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura ane mukurumbira – Solo Moyo – ari kukurudzira vatsigiri vemhanzi nevamwe veruzhinji kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 achiti izvi zvinogona kubatsira zvikuru mukudzoswa kwemashoo ayo anoraramisa vaimbi vakawanda.

Zvichitevera kupihwa mvumo kwakaita nhabvu nemimwe mitambo kuti ichitanga kuitwa, Moyo – uyo anotungamira chikwata cheKutinya Express – anoti ari kuona chiedza chakanaka chekudzoswa kwemagitare nguva pfupi inotevera asi hunge vatsigiri vemhanzi vabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.

“Sevaimbi, chirwere ichi chakatikanganisa basa redu zvikuru nekuti vazhinji vedu vamwe vanoraramiswa nemashoo ayo pari zvino atisiri kutenderwa kuita.

“Asi ndiri kuona chiedza chakanaka pamberi apo, tinogona kutenderwa kutanga kuridza magitare asi hunge takabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19. Nhabvu yave kutenderwa vanhu 2 000 vakabaiwa munhandare saka vatsigiri veduwo endaiwo munobaiwa magitare adzoke,” anodaro Moyo.

Moyo akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira Huya Tigare, Pindirai, Sorry naNdinomera Zenze uye akaparura dambarefu rake rechinomwe rinonzi Zvinobva Kunashe nemusi weChitatu svondo rino.

Anoti basa rake rakambodzoserwa kumashure zvakanyanya pakatanga denda reCovid-19 muno asi akaramba akashinga, achishanda nesimba uye achiwana rutsigiro kubva kuvatsigiri vake.

“Covid-19 marwadzo chaiwo, yange yakamisa basa rangu nerevamwe vaimbi asi ndakashinga ndikatsikisa dambarefu idzva iro ndaparura svondo rino.

“Kana uri mune zvemimhanzi, mashoo ndiwo anotisimudza isu vaimbi uye ndipo panobva kurarama kwedu nekwenhengo dzezvikwata zvedu. Iye zvino zvikwata zvizhinji zvaparara munguva yeCovid-19 nekuti vatungamiri vazvo havasi kukwanisa kuramba vachibhadhara vashandi vavo sezvo kusina mashoo avari kuita,” anodaro Moyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>