Balotelli, Benteke vonzi vari kudhura

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Balotelli, Benteke vonzi vari kudhura

Kwayedza

MUKANA wechikwata cheLiverpool wekutengesa Mario Balotelli naChristian Benteke kuBesiktas unenge uri kupera zvishoma nezvishoma.

Chikwata chekuTurkey ichi chiri kutsvaga mutambi mutsva wekumberi uye change chichinzi chiri kuda vatambi veReds vaviri ava, avo vanonzi havasi kudiwa muchikwata chaJurgen Klopp mwaka uno.

Asi sachigaro wechikwata ichi, Fikret Orman, anoti havana chinangwa chekutenga vaviri ava nokuti hunhu hwaBalotelli pamwe nekudhuriswa kuri kuitwa Benteke ndizvo zviri kuvamisa kuvatenga.

“Benteke mutambi anogona wepamusoro uyo watinoda kuona achiuya kuzotambira Besiktas, asi ari kudirwa mari yakawandisa, hazvitarisike sekunge zvichaitika,” akaudza vatori venhau.

“Balotelli mutambi wepamusoro asi ane kutambudzika muhupenyu hwake. Ane chimiro chisina kunaka.

“Tiri kuda vatambi vamwe. Tingade vamwe vatambi vechikwereti.”

Benteke akazvipira kubva kuLiverpool nechikwereti kuti akwanise kunotamba nhabvu kune chimwe chikwata.

Liverpool, iyo yakaramba £25m yakabva kuCrystal Palace yaida kutenga Benteke, inoti Benteke haazotengeswi nemari iri pasi pe£30m.

Pakashaya chikwata chingade kuburitsa mari iyi haaendi, Klopp anoti mutambi uyu acharamba ari kuLiverpool.

Klopp uyo aida kumbotenga Benteke achiri kuBorussia Dortmund mugore ra2013, ane hukama hwakanaka nemutambi uyu uye anoti anofarira matambiro aanoita apo vanenge vachiita gadziriro dzavo, kunyangwe hazvo ange asiri kumutambisa.

Asi, iye anoda kubva kuti akwanise kutamba nhabvu uye mutambi uyu akazvipira kuti ambobva nechikwereti kuAnfield kana achienda kunotamba kumwe. Palace iri kuda chaizvo mutambi uyu, kozoti West Ham iri kuongorora zviri kuitika kwaari. — Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>