‘Basa ibasa, hazvina kuti mukadzi’

02 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
‘Basa ibasa, hazvina kuti mukadzi’ Sabhuku Tachiona

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SABHUKU wechidzimai wekudunhu raMambo Mazvihwa, kuZvishavane anoti hakuna basa rinofanirwa kunzi nderevanhukadzi kana kuti revanhurume bedzi zvichitevera kushanda nesimba kuri kuitwa neHurumende panyaya yekuenzanisa mikana.
Mai Muneyi Hove (52), avo vanova Sabhuku Tachiona, vanoti pfungwa dzakare dzekuti vanhukadzi havakwanise kuwana zvigaro zvakaita sechavo dziri kuenda dzichipera.
“Kubva tichikura, taingoziva kuti masabhuku vaiva vanhurume chete asi zvasiyana nazvino, isu masabhuku echidzimai tavapo tichitonga pamwe chete nevarume. Hapana musiyano, tinotenda Hurumende yedu nekusimudzira madzimai muzvigaro zvakasiyana.
“Izvozvi ndadarika makore 15 ndakabata chigaro chehusabhuku,” vanodaro Sabhuku Tachiona.
Vanoti mudunhu ravo raMutambi-Mutonga kwaMambo Mazvihwa, kune masabhuku echidzimai anosvika manomwe.
Vanoti mumusha mavo vane komiti yevanhu gumi, inosanganisira varume vashanu nemadzimai mashanu avo vavanotonga navo.
“Muno muWard 17 kuMazvihwa dare remusha wangu rinozivikanwa nekutonga zvisina tsvete. Hazvina mhosva kuti tiri kutonga varume kana kuti madzimai, tinotevedza mitemo sezvairi.
“Kana taona dzimwe mhosva dzinoda kuendeswa kwamambo wedu Mazvihwa, tinodzidarikidza. Mhosva dzakawanda kuno ndedzekurwira minda nekutorerana varume nevakadzi uye dzakadai tinodzipfuudza kwamambo wedu.”
Sabhuku Tachiona vanoenderera mberi vachiti, “Kutonga hakufanirwe kuva kuvhundutsira kana kuti kutyiwa nevanhu vaugere navo, kwete. Kutonga kuenzanisa muchiona zvakakanganiswa kwete kuti vachandiona chete kudare. Semasabhuku echidzimai, tinoungana nguva nenguva muno mudunhu raMambo Mazvihwa tichipanana mazano.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey