Uncategorized

‘Batai varwere zvakanaka’

21 Oct, 2020 - 14:10 0 Views
‘Batai varwere zvakanaka’ Prof Mavima

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasiyane nekatsika kekusarura varwere vepfungwa, zvikuru panguva ino apo nyika yakatarisana nechirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera negurukota revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Professor Paul Mavima, pazuva rekucherechedza vanorwara nepfungwa, reWorld Mental Health Day, panzvimbo yeL’Arche Zimbabwe iri muHarare.

“Kusashanda zvakanaka kwenjere kunokanganisa zvinhu zvakawanda muraramo yemunhu sekukundikana kutaura nevamwe zvakanaka, kutadza kugeza kana kudya.

“Vamwe vanhu vane dambudziko renjere takaona zvekare vaine humwe hurema sepfari nekushushikana mupfungwa. Zvakakosha kuti tisiyane netsika yekusarura vakadai, zvikuru panguva ino apo nyika iri kurwisa Covid-19.

“Munyika muno vanhu vakaremara vanowanzotorwa sevakaroyiwa kana kuti zvinokonzerwa nemweya yetsvina nekuda kwezvitendero muvanhu. Zvisiri nyore kuona mudzimai ane vana vashanu aine mwana akaremara asi achisangana zvekare nekushorwa, rusarura kana kutosiiwa nemurume nekuda kwekuremara kwemwana,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti vanhu vanofanira kusiyana zvekare nekatsika kekuhwandisa vakaremara kana kuti vanorwara nepfungwa sezvo vamwe vavo vachigara vakasungwa kana kukiirwa mudzimba.

L’Arche Zimbabwe isangano rakazvimiririra rinobatsira vanhu vakaremara nevasina.

Sachigaro wesangano iri, Mai Francisca Kombe, vanoti vanhu vane dambudziko renjere vane zvimwe zvipo zvinofanira kutariswa uye kusimudzirwa.

“Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation maringe neutano hwenjere uye chirwere cheCovid-19 pakati pemwedzi waChikumi naNyamavhuvhu inoratidza kuti nyika 27 dziri muAfrica dzakatsidza kuti dziri kuita zvirongwa zvekutsigira vanhu vanorwara nepfungwa pamwe nekuvabatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvisinei nekuti nyika 17 bedzi ndidzo dzine mari yekuita zvirongwa izvi,” vanodaro.

Dingindira regore rino reWorld Mental Health Day rinoti ,“More for Mental Health, Lets Invest” donzvo riri rekuona kuti zvirongwa zvose zvine chekuita nehurwere hwepfungwa zvatsigirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>