Blagefields yokurudzira varimi kutenga michina

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Blagefields yokurudzira varimi kutenga michina

Kwayedza

KAMBANI yeBlagefields iyo inogadzira michina yemadiridziro yechitsoka-tsoka yokurudzira varimi kuti vashandise muchina weMoneyMaker Hip Pump (MMHP) uyo unove chiwororo pakudiridza mbesa dzakasiyana uye uri nyore kushandisa.

VaBrian Vere vanove managing director wekambani iyi vanoti michina yemhando yakadai inogona kusandura upenyu hwevarimi nenguva diki-diki.

“Tiri kuda kufambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset chinova chinorwisa nzara muupenyu hwevanhu pamwe nekuvamutsira mabasa. Mumwedzi uno waNyamavhuvhu, mitengo yedu yeMMHP ichange yakavhuvhutwa nemhepo kuenda paUS$65 kusanganisira masipeya emapiston caps, masprayer nozzle tichipa zvakare magwaro emaguarantee egore rose kuvatengi vedu,” vanodaro.

VaVere vanoti michina yemadiridziro eMMPH yakakosha zvikuru kuvarimi nekuti hairemi uye iri nyore kushandisa zvichienderana nemagadzirirwo ayakaitwa.

Vanokurudzira mapoka evechidiki akadai semaYoung Farmer’s Club, zvikoro, masangano akazvimiririra nevamwe kuti vashandise madiridziro aya mumabhindauko avo sezvo asingavadhurire.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey