Budiriro yauya kuManyame. . . Vacheresa zvibhorani 25 . . . Migwagwa yovandudzwa

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Budiriro yauya kuManyame. . . Vacheresa zvibhorani 25 . . . Migwagwa yovandudzwa Musika weGuzha uri kuvandudzwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KANZURU yeManyame Rural District Council iri kudunhu reMashonaland East inoti iri kufambira mberi nekushandisa homwe yemari inopihwa neHurumende yeDevolution Fund mumabasa ebudiriro anosanganisira kuvandudza migwagwa nemuzvirongwa zvekuti vagari veko vawane mvura yakachena yekushandisa.

Mai Farirai Guta, avo vanova chamangwiza wekanzuru iyi, vanoti vari kutora mukana wekuvepo kwehomwe iyi mukuita mabasa ebudiriro mudunhu ravo.

“Hurumende yakatanga kutipa mari yekusimudzira matunhu edu semakanzuru kubva mugore rapera ra2019. Kusvika pari zvino, seManyame Rural District Council tapihwa mari inokwana $8 202 000.

“Mari iyi yakanyanya kunangana nekuvandudza mabasa ekuwanikwa kwemvura muvanhu chinova chinangwa chedu chekutanga,” vanodaro Mai Guta.

Vanoti kubva gore rakapera kusvika izvozvi, kanzuru yavo yacheresa zvibhorani zvitsva zvinokwana makumi maviri nezvishanu apo vakashandisa $1 864 000.

Sekanzuru, vanodaro Mai Guta, vakazowedzerawo imwe mari yaidiwa mubasa rekuchera zvibhorani izvi inokwana $687 000.

“Pakucheresa zvibhorani izvi, takazotorawo mari inokwana $687 000 kubva muhomwe yekanzuru. Tine chikoro cheGombo Primary chekuBeatrice uko kwakagariswa vanhu patsva icho chakatorwa denga nemhepo isu ndokuchigadzirisawo nemari iyi inokwana $125 502 pakutenga marata, mapuranga, zvipikiri nezvimwe zvaidiwa,” vanodaro.

Mukati mezvirongwa zviri kuitwa nekanzuru iyi, Mai Guta vanoti vari kuvandudzawo zvibhorani zvitsaru izvo zvanga zvisisashande nedonzvo rekuti vagari vemunzvimbo iyi vawane mvura yakachena neimwe yekushandisa mumabasa akasiyana.

“Takagadzirisa zvibhorani zvitsaru zvinokwana 32 izvo zvakanga zvisisashande apo takashandisa mari inoita $3 000 000. Nzvimbo yose yeManyame Rural District Council ine maward 21 anosanganisira kumaruwa, nzvimbo dzakagariswa vanhu patsva, mumarukisheni nekumapurazi.”

Mai Guta vanoti vane nzvimbo yeMurisa iri kwaSeke iyo yava kuitwa dhorobha uko vari kucherawo zvibhorani kuti vanhu vawane mvura yakachena sezvo kusina mvura yemumapombi.

Kuburikidza nekusimbaradza kuvandudza chirongwa chekugadzira migwagwa mitsva nekugadzurudza mitsaru, vanoti kanzuru yavo yakatenga motokari yemhando yewater bowser inokosha $3 975 000 iyo inotakura mvura inoshandiswa mukutsindira migwagwa.

“Migwagwa yedu iri kugadzirwa vashandi vemumigwagwa vasina matambudziko kuburikidza newater bowser ratakatenga iri. Mitsva iri kutsindirwa pamwe chete nemitsaru yacho munzvimbo dzine makomba-makomba.”

Mai Guta vanoti kune zvimwe zvirongwa zvagara zviriko kare sechekugadzirwa kwemigwagwa yekwaChikwanha ichiiswa tara nekuvandudzwa kwemusika wevarimi weGuzha izvo zviri kufambira mberi.

“Tine mugwagwa unotenderera paChikwanha uyo wakatoiswa tara uyewo tiri kugadzirisa musika weGuzha kuti pasaite madhaka munguva yekunaya nekuisawo denga idzva.

“Tinewo zvakawanda zvatiri kuita sekanzuru kuburikidza nezvirongwa zvedevolution nezvimwe zvatakagara tichiita,” vanodaro Mai Guta.

Vanoyambira vanhu vakapihwa nzvimbo dzekuvaka mabhizimisi nedzimba nekanzuru yavo kuti vavake sezvo vachiti pane nguva inotarisirwa kuti munhu ange aisa chivakwa.

“Iyi iyambiro yatagara tichipa vanhu vakapihwa masitendi ekuvaka dzimba kana mabhizimisi kuti vavake mukati menguva inotenderwa nemutemo wekanzuru nekuti nguva ichakwana yekuti kanzuru inotora nzvimbo idzi yopa vanokwanisa kuvaka. Hatidi vanhu vanozochema, inyaya yatinogara tichitaura nguva nenguva, nzvimbo dzakadaro dzakawanda.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>