Uncategorized

Budiriro yematunhu yotanga

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Budiriro  yematunhu yotanga Cde Monica Mutsvangwa (vechipiri kubva kurudyi) vaine gurukota rezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa, Cde Joel Biggie Matiza (kubva kuruboshwe), Chief Secretary to the President and Cabinet, Dr Misheck Sibanda naCde July Moyo apo vaitura mashoko ari pamusoro pezvakakurukurwa nedare reCabinet nemusi weChipiri svondo rino. — Mufananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Felex Share
DARE reCabinet nemusi weChipiri chino rakapasisa zvisungo zvekuvandudza mutemo wezvekutongwa kwematunhu, weProvincial Councils and Administration (Amendment) Bill, izvo zvinodonongodza nzira dzichaita kuti matunhu akasiyana enyika ave nemasimba ekuronga zvebudiriro yawo akazvimirira.

Hurumende iri mushishi yekuona kuti matunhu awana masimba akawedzerwa ekuita zvirongwa zvawo pasina anoakanganisa izvo zvinoenderana nezviri mubumbiro remutemo weZimbabwe. Section (2) yebumbiro remutemo wenyika inopa masimba kuHurumende kuti ipe mamwe masimba kumatunhu (provincial councils) kuti ange achironga zvebudiriro yawo.

Vachitaura kuvatori venhau pamusangano wavo wepasvondo, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende iri kuzadzikisa mashoko ayo pamusoro pekupa matunhu masimba ekuzvitonga munyaya dzekusimudzira upfumi.

“Cabinet yakapasisa zvisungo zvekuvandudza mutemo wezvekutongwa kwematunhu weProvincial Councils and Administration (Amendment) Bill izvo zvakaturwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwaniswa kwedzimba, Cde July Moyo,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Kufambiswa kwechirongwa chekupa masimba kumatunhu enyika ichi kunoreva kuti Hurumende ichapa matunhu aya mari yebhajeti yekushandisa nechinangwa chekuona kuti nzvimbo dzakasaririra munyaya dzebudiriro dzasimudzirwa.

Cde Moyo vanoti mapurovhinzi ose agadziririra kufambiswa kwechirongwa ichi.

Vanoti vachangobva mukutenderera nenyika yose apo bazi ravo rakadzidzisa makanzuru anosvika 1 958 nezvechirongwa ichi. Pasi pechirongwa ichi, purovhinzi imwe neimwe ichange iine hurongwa hwayo hwekusimudzira nyaya dzebudiriro zvichienderana nezviwanikwa zvemo.

Hurongwa hwekusimudzira budiriro huchange huchiitwa nemapurovhinzi akazvimirira, huchitungamirirwa nemakurukota eHurumende anomirira mapurovhinzi akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>